RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb17 March p. 5
  • Kushandisa Bhurocha raTeerera Mwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kushandisa Bhurocha raTeerera Mwari
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2017)
  • Mashoko Akafanana
  • Batsira Vanhu Kuti Vateerere Mwari
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
  • Mashandisiro Atingaita Bhurocha raMashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari!
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
  • Chokushandisa Chitsva Chokubetsera Vanhu Kudzidza Zvinodikanwa zvaMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Shandisa Rarama Nekusingaperi Uchifara! Muushumiri Hwako
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2017)
mwb17 March p. 5

KURARAMA KWECHIKRISTU

Kushandisa Bhurocha raTeerera Mwari

Teerera Mwari

Bhurocha raTeerera Mwari rine mapikicha akawanda anoita kuti zvive nyore kudzidzisa chokwadi chiri muBhaibheri kune vasinganyatsogoni kuverenga. Chidzidzo chimwe nechimwe chine mapeji maviri uye mapikicha acho anokunongedzera kuti uchibva pane imwe pikicha uri kuenda pane ipi.

Bhurocha raTeerera Mwari Urarame Nokusingaperi rine mapikicha akangofanana neari muna Teerera Mwari. Asi raTeerera Mwari Urarame Nokusingaperi rine mashoko akati wandei uye rinogona kushandiswa nevanenge vachiti gonei kuverenga. Pakudzidzisa, vaparidzi vanowanzobata raTeerera Mwari Urarame Nokusingaperi uye wavanodzidza naye anenge akabata raTeerera Mwari. Mapeji akawanda ane bhokisi rine mamwe mashoko uye anogona kukurukurwa kana ari kudzidziswa wacho achigona kuzvibata.

Chapupu chiri kudzidzisa chakabata bhurocha raTeerera Mwari Urarame Nokusingaperi uye mudzidzi akabata raTeerera Mwari

Mabhurocha aya anogona kupiwa vanhu chero nguva kunyange asiriwo atinenge tichipa vanhu mwedzi wacho. Paunenge uchidzidzisa munhu, shandisa mapikicha kuti anzwisise nyaya yacho. Mubvunze mibvunzo kuti ataurewo zvaanofunga uye uone kana anzwisisa. Verengai uye kurukurai mavhesi akanyorwa nechepazasi pepeji rimwe nerimwe. Kana mapedza bhurocha racho, dzidzai bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? kuti umubatsire kuti azokwanisa kubhabhatidzwa.

Chidzidzo chiri mubhurocha raTeerera Mwari chinotaura nezvaAdhamu naEvha vari mubindu reEdheni
    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe