RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb21 September pp. 3-16
  • Shandisa Rarama Nekusingaperi Uchifara! Muushumiri Hwako

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Shandisa Rarama Nekusingaperi Uchifara! Muushumiri Hwako
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
  • Mashoko Akafanana
  • Kuitisa Chidzidzo cheBhaibheri Uchishandisa Bhuku ‘raRarama Nekusingaperi Uchifara!’
    Iva Nerudo Nevanhu—Vabatsire Kuti Vave Vadzidzi
  • Batsira Vadzidzi Vako veBhaibheri Kuti Vabhabhatidzwe
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
  • Kubatsira Mudzidzi weBhaibheri Kusvikira Abhabhatidzwa—Chikamu 1
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
  • Mashandisiro Atingaita Bhurocha raMashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari!
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
mwb21 September pp. 3-16
Murume nemudzimai vari kukurukura nemumwe murume vari pachiteshi chemabhazi vachishandisa bhurocha raRarama Nekusingaperi Uchifara!

KURARAMA KWECHIKRISTU

Shandisa Rarama Nekusingaperi Uchifara! Muushumiri Hwako

Tinofara chaizvo kuti tava nebhurocha idzva nebhuku idzva rekushandisa pakuitisa zvidzidzo zveBhaibheri! Tinonyengetera kuti Jehovha akomborere zvatinoita pakuita kuti vakawanda vave vadzidzi. (Mt 28:18-20; 1VaK 3:6-9) Tingashandisa sei maturusi matsva aya?

Sezvo kudzidza nevanhu Bhaibheri tichishandisa Rarama Nekusingaperi Uchifara! iri nzira itsva yekudzidzisa, tevedzera mirayiridzo iyi paunenge uchigadzirira uye paunenge uchiitisa zvidzidzo zveBhaibheri.a

  • Verengai mashoko acho uye kurukurai mibvunzo yacho

  • Verengai mavhesi akanzi “verengai,” uye batsira mudzidzi kuti anzwisise kushanda kwawo

  • Onai mavhidhiyo mobva maakurukura muchishandisa mibvunzo iripo

  • Pese pamunodzidza edzai kupedza chidzidzo chimwe chete

Paunenge uri muushumiri, tanga nekupa munhu bhurocha kuti uone kuti anofarira zvakadii. (Ona bhokisi rakanzi “Zvekuita Paunopa Munhu Bhurocha raRarama Nekusingaperi Uchifara! Paunoona Munhu Kekutanga.”) Kana mapedza kudzidza bhurocha uye mudzidzi achida kuenderera mberi, chibva wamupa bhuku, motangira pachidzidzo 04. Kana uri kutodzidza nemumwe munhu bhuku raBhaibheri Rinotidzidzisei? kana kuti Ramba Uri Murudo rwaMwari, chinjirai kune raRarama Nekusingaperi Uchifara! woona kuti mungatangira papi.

Murume nemudzimai vaya vava kuitisa chidzidzo cheBhaibheri vari pamba pemurume uya vachishandisa bhuku raRarama Nekusingaperi Uchifara!

ONA VHIDHIYO INONZI TINOKUGAMUCHIRA KUKOSI YEBHAIBHERI, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Vadzidzi vachadzidzei mubhuku idzva iri?

  • Nei uchifanira kuratidza vadzidzi vatsva vhidhiyo iyi?

  • Zvinangwa zvipi zvaunofanira kukurudzira mudzidzi kuti ave nazvo uye azvizadzise?—Ona chati rakanzi “Zvichadzidzwa Uye Kubatsira Kwaungaita Mudzidzi Pachikamu Chimwe Nechimwe”

a ONA KUTI: Kunyange zvazvo uchikwanisa kusarudza kuti wodzidza nemunhu here kana kuti worega pachikamu chakanzi “Wedzera Pane Zvawadzidza,” wana nguva yekuverenga zviripo kana kuona vhidhiyo iripo paunenge uchigadzirira. Izvi zvichaita kuti uzive zvinhu zvingave zvichifarirwa nemudzidzi wako uye zvinomubatsira. Bhuku repafoni rine panokuendesa kumavhidhiyo uye kumashoko ekuwedzera.

ZVICHADZIDZWA UYE KUBATSIRA KWAUNGAITA MUDZIDZI PACHIKAMU CHIMWE NECHIMWE

 

ZVIDZIDZO

ZVATICHADZIDZA

KUBATSIRA MUDZIDZI

1

01-12

Ona kuti Bhaibheri ringakubatsira sei uye kuti ungasvika sei pakuziva Munyori waro

Kurudzira mudzidzi kuti averenge Bhaibheri, agadzirire chidzidzo chacho, uye atange kupinda misangano

2

13-33

Tichadzidza zvatakaitirwa naMwari uye manamatiro aanoda kuti tiite

Ita kuti mudzidzi ave nechido chekuudzawo vamwe chokwadi chaari kudzidza uye kuti ave muparidzi

3

34-47

Tichadzidza kuti Mwari anotarisira kuti vanhu vanomunamata vaite sei

Batsira mudzidzi kuti ade kutsaurira upenyu hwake kuna Jehovha uye kuti abhabhatidzwe

4

48-60

Dzidza kuti ungaita sei kuti urambe uri murudo rwaMwari

Dzidzisa mudzidzi kuti akwanise kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa uye kuti awedzere kuswedera pedyo naJehovha

ZVEKUITA PAUNOPA MUNHU BHUROCHA RARARAMA NEKUSINGAPERI UCHIFARA! PAUNOONA MUNHU KEKUTANGA

Sezvakangoita maturakiti edu, kwekupedzisira kwebhurocha iri kune mubvunzo unoita kuti munhu ade kunzwa zvakawanda. Edza izvi:

  • Bvunza mubvunzo uripo une mhinduro dzakasiyana-siyana dzakanyorwa ipapo

  • Verenga mhinduro yacho iri muBhaibheri pana Pisarema 37:29

  • Kurukurai pfungwa dziri pakanzi “Zvarinotaura Zvingakubatsira Sei?” Kana muine nguva, verengai mavhesi acho uye taurai nezvemifananidzo iripo

  • Bvunza mubvunzo wekuti ‘Tinganyatsobvuma Zvinotaurwa neBhaibheri Here?’ uye edza kutanga chidzidzo cheBhaibheri uchishandisa chidzidzo 01

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe