PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | JEREMIYA 35-38
Iva Neushingi Uye Mutsa Sezvakaitwa naEbhedhi-mereki
Ebhedhi-mereki aishanda mumuzinda waMambo Zedhekiya uye akaratidza unhu hunodiwa naMwari
Akaratidza ushingi achibva akurumidza kunotaura naMambo Zedhekiya nezvaJeremiya uye akabva abudisa Jeremiya mumugodhi
Akaratidza mutsa nekupa Jeremiya mamvemve nemachira kuti tambo isamukuzvura muhapwa