PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | JEREMIYA 39-43
Jehovha Achaitira Mumwe Nemumwe Zvinoenderana Nemabasa Ake
Zedhekiya akanzi naJehovha azviise pasi peBhabhironi asi haana kuteerera
Zedhekiya akaurayirwa vana vake akatarisa. Akazopofumadzwa, achibva asungwa nezvisungo zvomumakumbo zvemhangura, ndokuendeswa kuBhabhironi kwaakazonofira
Ebhedhi-mereki akaratidza kuti aivimba naJehovha uye akaitira Jeremiya mutsa
Jehovha akavimbisa Ebhedhi-mereki kuti aizomuchengetedza paizoparadzwa Judha
Jeremiya akaparidza neushingi kwemakore akawanda kusvika pakazoparadzwa Jerusarema
Jehovha akachengetedza Jeremiya pakakombwa Jerusarema uye akaita kuti asunungurwe nevaBhabhironi