RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp20 nha. 3 pp. 4-5
  • Musiki Wedu Anotida

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Musiki Wedu Anotida
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2020
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • 1. MUSIKI WEDU ANOITA KUTI ZUVA RIBUDE
  • 2. MUSIKI WEDU ANOITA KUTI KUNAYE
  • 3. MUSIKI WEDU ANOTIPA ZVEKUDYA NEZVEKUPFEKA
  • Ngatitendei Kunaya Kwemvura
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Tsvaka Umambo, Kwete Zvinhu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • Musiki Wako—Dzidza Zvaari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Uyo Akasika Zvinhu Zvose
    Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2020
wp20 nha. 3 pp. 4-5
Zuva riri kubuda pamusoro pemakomo.

Musiki Wedu Anotida

1. MUSIKI WEDU ANOITA KUTI ZUVA RIBUDE

Imboedza kufungidzira tichirarama kusingabudi zuva. Zuva rinoita kuti miti ikure, maruva atumbuke, towana michero. Zuva ndiro rinoita kuti midzi yemiti ikwanise kukweva mvura iri muvhu yoenda mumashizha uye yozobuda yopinda mumhepo.

Munda wetii.

2. MUSIKI WEDU ANOITA KUTI KUNAYE

Mvura chipo chinobva kuna Mwari nekuti ndiyo inoita kuti tiwane zvekudya. Anotinayisira mvura uye anoita kuti pave nemwaka yakasiyana-siyana zvoita kuti vanhu vawane zvekudya, vorarama vachifara.

Shiri iri kuda kudya muchero uri kudonha mumuti.

3. MUSIKI WEDU ANOTIPA ZVEKUDYA NEZVEKUPFEKA

Vanababa vakawanda vanozvidya mwoyo vachifunga kuti vangawanepi zvekudya uye zvekupfeka zvemhuri dzavo. Inzwa zvinotaurwa neShoko raMwari: “Nyatsocherechedzai shiri dzekudenga; hadzidyari mbeu kana kukohwa kana kuunganidza mumatura, asi Baba venyu vekudenga vanodzipa zvekudya. Hamukoshi kudzipfuura here?”—Mateu 6:25, 26.

“Dzidzai kumaruva emusango, makuriro aanoita . . . ; asi ndinokuudzai kuti kunyange [Mambo] Soromoni mukubwinya kwake kwese haana kumboshonga serimwe reaya. Zvino kana aya ari iwo mapfekedzero anoita Mwari zvinhu zvinomera musango . . . , angatadza here kutokupfekedzai kupfuura ipapo?”—Mateu 6:28-30.

Sezvo Mwari achigona kutipa zvekudya uye zvekupfeka, anogonawo kutibatsira kuti tiwane zvinhu zvatinoda pakurarama. Kana tikaedza kuita zvinodiwa naMwari, achatikomborera pakurima kwatinoita kana kuti achatibatsira kuwana basa tokwanisa kutenga zvatinoda pakurarama.—Mateu 6:32, 33.

Tine zvinhu zvakawanda zvinoita kuti tide Mwari. Zvimwe zvacho zvinosanganisira zuva raanotipa, mvura, maruva, uye shiri dzatinoona. Nyaya inotevera ichatibatsira kuona kuti Musiki wedu anotaura sei nesu.

Musiki wedu ‘anoita kuti zuva ribude uye kunaye.’—MATEU 5:45

Musiki wedu anotida chaizvo. Sezvinongoita baba vane rudo, anochengeta mhuri yake. Bhaibheri rinoti Mwari ndiBaba vane rupo ‘vanoziva zvatinoda tisati tatombovakumbira.’—Mateu 6:8.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe