KURARAMA KWECHIKRISTU
Zvidzidzo Zvatinowana Mubhuku raJona
Jehovha akachengeta muShoko rake nyaya dzevarume nevakadzi vaiva nekutenda kuti tiwanewo zvidzidzo. (VaR 15:4) Ndezvipi zvawakadzidza mubhuku raJona? Ona vhidhiyo inonzi Kunamata Kwemhuri: Jona—Kudzidza Kubva Pangoni dzaJehovha, wozopindura mibvunzo iyi:
Vaparidzi vatatu vabuda muvhidhiyo iyi vainetseka nei?
Bhuku raJona rinogona kutikurudzira sei kana tikatsiurwa kana kuti tikatorerwa mamwe mabasa ataiita musangano? (1Sa 16:7; Jon 3:1, 2)
Nyaya yaJona inogona kutibatsira sei kuti tirambe tiine mafungiro akanaka nezvendima yedu? (Jon 4:11; Mt 5:7)
Zvakaitika kuna Jona zvinogona kutinyaradza sei kana tiine dambudziko reurwere? (Jon 2:1, 2, 7, 9)
Zvii zvawadzidza muvhidhiyo iyi nezvekukosha kwekufungisisa zvaunoverenga muBhaibheri?