RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb18 May p. 8
  • “Zvasungwa Pamwe Chete Pajoko naMwari . . . ”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Zvasungwa Pamwe Chete Pajoko naMwari . . . ”
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2018
  • Mashoko Akafanana
  • Chatanuro—Chii Chinotaura Bhaibheri Chaizvoizvo?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Kudza “Zvasungwa Pamwe Chete Pajoko naMwari”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
  • Chatanuro—Muuyo Wayo Wakakomba Zvikuru
    Mukai!—1992
  • Chatanuro Inofanira Kubvumirwa Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2018
mwb18 May p. 8
Murume nemukadzi vakabatana maoko

KURARAMA KWECHIKRISTU

“Zvasungwa Pamwe Chete Pajoko naMwari . . . ”

Mutemo waMosesi waiti kana murume achida kuramba mudzimai wake, aifanira kunyora rugwaro rwokumuramba. Izvi zvaiitirwa kuti vanhu vasangokurumidza kurambana. Asi munguva yaJesu, vatungamiriri vezvitendero vaiita kuti kurambana kuve nyore. Varume vairamba vakadzi vavo pasina zvikonzero zvine musoro. (“rugwaro rwokuramba” tsanangudzo dzemamwe mashoko Mk 10:4, nwtsty; “anoramba mudzimai wake,” “anoita upombwe, achimutadzira” tsanangudzo dzemamwe mashoko Mk 10:11, nwtsty) Jesu akataura kuti Jehovha ndiye akatanga wanano. (Mk 10:2-12) Murume nemukadzi vaifanira kuva “nyama imwe,” vogara vese zvachose. Nyaya iri pana Mateu inoratidza kuti “ufeve” ndihwo chete hunogona kuita kuti vanhu varambane.—Mt 19:9.

Mazuva ano, vakawanda vari munyika vanoona wanano sezvaiitwa nevaFarisi. Pavanonetsana, vanokurumidza kurambana. Asi vaKristu vanokoshesa mhiko dzavo dzemuchato uye vanoshandisa Bhaibheri kana paine zviri kunetsa muwanano dzavo. Onai vhidhiyo inonzi Rudo Nekuremekedzana Zvinosimbisa Mhuri, mozopindura mibvunzo inotevera:

  • Munhu ari kuverenga Bhaibheri; murume ari kuteerera mukadzi wake achitaura; pikicha yemuchato yakabvarurwa

    Ungashandisa sei zvinotaurwa pana Zvirevo 15:1 muwanano yako, uye nei zvichikosha?

  • Ungashandisa sei zviri pana Zvirevo 19:11?

  • Kana uchiona sekuti zvinetso zvamunazvo hazvichagadzirisiki, mibvunzo ipi yaunofanira kuzvibvunza panzvimbo pekufunga zvekurambana?

  • Ungashandisa sei Mateu 7:12 kuti uve murume kana kuti mudzimai akanaka?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe