KURARAMA KWECHIKRISTU
Zvaunofanira Kungwarira Pakushandisa—Social Network
SEI ZVICHIKOSHA? Social network inogona kukubatsira kana kuti kukupinza muna taisireva. Vamwe vaKristu vakasarudza kusatoishandisa. Vamwe vanoishandisa kukurukura nehama neshamwari. Asi Dhiyabhorosi anoda kuti tiishandise nenzira inogona kuita kuti tikanganise mukurumbira wedu uye ushamwari hwedu naJehovha. SaJesu, tinogona kushandisa mazano anobva muShoko raMwari kuti tingwarire mashandisiro atinoiita.—Ru 4:4, 8, 12.
ZVAUNOFANIRA KUNGWARIRA:
Kunyanya kushandisa social network. Kupedza nguva yakawanda tichiishandisa kunotishayisa nguva yekuita zvinhu zvekunamata
Mazano eBhaibheri: VaE 5:15, 16; VaF 1:10
Kuona zvinhu zvisina kukodzera kumuKristu. Kutarisa mifananidzo yevanhu vasina kunyatsopfeka zvakanaka kunogona kuita kuti munhu apedzisire apindwa muropa nekuona zvinonyadzisira kana kuita unzenza. Kuverenga zvinhu zvinonyorwa nevanhu vakatsauka pakutenda paindaneti kunogona kukanganisa kutenda kwemuKristu
Kuisa mashoko kana kuti mapikicha asingaiti. Sezvo mwoyo uchinyengera, munhu anogona kuisa mashoko kana mapikicha asingaiti pasocial network. Izvi zvinogona kukanganisa mukurumbira wake kana kuvhiringa kutenda kwevamwe
Mazano eBhaibheri: VaR 14:13; VaE 4:29
ONA VHIDHIYO INONZI CHENJERERA PAKUSHANDISA SOCIAL-NETWORK, WOONA KUTI UNGADZIVISA SEI ZVINHU ZVINOTEVERA: