RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb18 June p. 7
  • Zvaunofanira Kungwarira Pakushandisa Social Network

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvaunofanira Kungwarira Pakushandisa Social Network
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2018
  • Mashoko Akafanana
  • Ndivanaani Vaunoshamwaridzana Navo paSocial Media?
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2022
  • Kushandisa Social Media Kuri Kundikanganisa Here?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Nyaya yokukurukura nevanhu vakawanda paIndaneti yakamira sei?—Chikamu 1
    Mukai!—2012
  • Vana neSocial Media—Chikamu 1: Mwana Wangu Anofanira Kuenda paSocial Media Here?
    Mazano Ekubatsira Mhuri
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2018
mwb18 June p. 7

KURARAMA KWECHIKRISTU

Zvaunofanira Kungwarira Pakushandisa​—Social Network

Jesu akaramba kuchinja matombo kuita chingwa

SEI ZVICHIKOSHA? Social network inogona kukubatsira kana kuti kukupinza muna taisireva. Vamwe vaKristu vakasarudza kusatoishandisa. Vamwe vanoishandisa kukurukura nehama neshamwari. Asi Dhiyabhorosi anoda kuti tiishandise nenzira inogona kuita kuti tikanganise mukurumbira wedu uye ushamwari hwedu naJehovha. SaJesu, tinogona kushandisa mazano anobva muShoko raMwari kuti tingwarire mashandisiro atinoiita.—Ru 4:4, 8, 12.

ZVAUNOFANIRA KUNGWARIRA:

  • Kunyanya kushandisa social network. Kupedza nguva yakawanda tichiishandisa kunotishayisa nguva yekuita zvinhu zvekunamata

    Mazano eBhaibheri: VaE 5:15, 16; VaF 1:10

  • Kuona zvinhu zvisina kukodzera kumuKristu. Kutarisa mifananidzo yevanhu vasina kunyatsopfeka zvakanaka kunogona kuita kuti munhu apedzisire apindwa muropa nekuona zvinonyadzisira kana kuita unzenza. Kuverenga zvinhu zvinonyorwa nevanhu vakatsauka pakutenda paindaneti kunogona kukanganisa kutenda kwemuKristu

    Mazano eBhaibheri: Mt 5:28; VaF 4:8

  • Kuisa mashoko kana kuti mapikicha asingaiti. Sezvo mwoyo uchinyengera, munhu anogona kuisa mashoko kana mapikicha asingaiti pasocial network. Izvi zvinogona kukanganisa mukurumbira wake kana kuvhiringa kutenda kwevamwe

    Mazano eBhaibheri: VaR 14:13; VaE 4:29

ONA VHIDHIYO INONZI CHENJERERA PAKUSHANDISA SOCIAL-NETWORK, WOONA KUTI UNGADZIVISA SEI ZVINHU ZVINOTEVERA:

Mbavha inoshandisa social media inoziva kuti muridzi wemba haapo
Pikicha isina kunaka iri pasocial network inoonekwa nemushandirwi
Munhu ari kuona mashoko akaora pasocial network
Munhu arara achishandisa social media ari kutadza kumuka
    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe