RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb22 March p. 9
  • Ndivanaani Vaunoshamwaridzana Navo paSocial Media?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndivanaani Vaunoshamwaridzana Navo paSocial Media?
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2022
  • Mashoko Akafanana
  • Zvakadini Noushamwari HwepaIndaneti?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
  • Zvaunofanira Kungwarira Pakushandisa Social Network
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2018
  • Nyaya Yokukurukura Nevanhu Vakawanda paIndaneti Yakamira Sei?—Chikamu 2
    Mukai!—2012
  • Nzvimbo Yedu Yepamutemo Inobudisirwa Mashoko paIndaneti—Ishandise Pakudzidza Uri Oga Uye Pakudzidza Semhuri
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2022
mwb22 March p. 9

KURARAMA KWECHIKRISTU

Ndivanaani Vaunoshamwaridzana Navo paSocial Media?

Shamwari munhu waunoda uye waunoyemura. Semuenzaniso, Jonatani naDhavhidhi vakava neushamwari hwakasimba pashure pekunge Dhavhidhi auraya Goriyati. (1Sa 18:1) Mumwe nemumwe wavo aiva neunhu hwaiyemurwa nemumwe. Saka vanhu vanokwanisa kuva neushamwari hwakasimba kana vachinyatsozivana. Kuti uzosvika pakunyatsoziva mumwe munhu zvinotora nguva, uye une zvaunofanira kutoita. Asi pasocial media vanhu vanova shamwari zviri nyore. Pasocial media zviri nyore kuti munhu avanze zvaari nekuti anokwanisa kugara aronga zvaari kuda kutaura uye zvaanoda kuti vanhu vafunge nezvake. Saka zvakanaka kuti ugare waziva kuti unoda kushamwaridzana nevanhu vakaita sei pasocial media. Usatya kuramba kushamwaridzana nevanhu vausinganyatsozivi uchityira kuti ungazovarwadzisa. Vamwe vakatosarudza kusaenda pasocial media nemhaka yengozi dziripo. Asi kana ukasarudza kuishandisa, zvii zvaunofanira kungwarira?

ONA VHIDHIYO INONZI CHENJERERA PAKUSHANDISA SOCIAL-NETWORK, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Chikamu chiri muvhidhiyo inonzi “Chenjerera Pakushandisa Social-Network.” Musikana ari kushamisika paari kuona mapikicha ake ari kubuda paTV.

    Unofanira kufunga nezvei usati wanyora chimwe chinhu kana kuisa pikicha pasocial media?

  • Chikamu chiri muvhidhiyo inonzi ‘Chenjerera Pakushandisa Social-Network.’ Varume vaviri vakati nyangarara vari kuratidza mumwe mukomana zviri pasocial media uye mukomana wacho ari kuvhara kumeso.

    Nei uchifanira kungwarira pakusarudza shamwari dzako pasocial media?

  • Chikamu chiri muvhidhiyo inonzi “Chenjerera Pakushandisa Social-Network.” Mumwe mukomana akarara akaisa musoro wake pakombiyuta pashure pekunge aita usiku hwese achiishandisa.

    Nei uchifanira kungwarira nguva yaunopedza uri pasocial media?—VaE 5:15, 16

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe