PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MABASA 1-3
Mweya Mutsvene Unodururwa Paungano yechiKristu
VaJudha vakawanda vakanga vari muJerusarema paPendekosti ya33 C.E. vaibva kune dzimwe nyika. (Mab 2:9-11) Kunyange zvazvo vaitevedzera Mutemo waMosesi, vanogona kunge vakanga vakatokurira kunyika idzodzo. (Jer 44:1) Saka vamwe vanogona kunge vaitaura uye vairatidzika sevanhu vekunyika idzodzo kwete sevaJudha. Vanhu 3 000 pavakabhabhatidzwa, ungano yechiKristu yakabva yava nevanhu vemarudzi akasiyana-siyana. Pasinei nekuti vaibva kunyika dzakasiyana-siyana, “vakaramba vari patemberi nomwoyo mumwe.”—Mab 2:46.
Ungaratidza sei kuti unonyatsoda . . .
vanhu vekune dzimwe nyika vari mundima yenyu?
hama nehanzvadzi dzekune dzimwe nyika dziri muungano yenyu?