PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MABASA 23-24
Anopomerwa Kuti Anonetsa Uye Anoita Kuti Pave Nekumukira
VaJudha vaiva muJerusarema “vakazvisunga nemhiko ine kutuka” nechinangwa chekuda kuuraya Pauro. (Mab 23:12) Asi Jehovha akanga achida kuti Pauro aende kuRoma kuti anoparidza ikoko. (Mab 23:11) Muzukuru waPauro akanzwa zvairongwa nevaJudha, achibva anomuudza uye zvakaponesa Pauro. (Mab 23:16) Kubva munyaya iyi . . .
chii chinogona kuitika kana vanhu vakada kukanganisa zvinangwa zvaMwari?
zvii zvinogona kushandiswa naMwari kutibatsira?
tinodzidzei nezvekuva neushingi?