PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | 1 VAKORINDE 7-9
Chipo Chekusaroora Kana Kusaroorwa
VaKristu vakawanda vakasvika pakuona kuti kusaroora kana kusaroorwa kune zvakwakanakira. Kunopa munhu mukana wekuwedzera nguva yaanoita muushumiri, anova nenguva yakawanda yekubatsira hama nehanzvadzi, uye ane nguva yakawanda yekuswedera pedyo naJehovha.
Kuparidzira kuAustralia muna 1937; Hanzvadzi yakagirajuweta kuGiriyedhi ichisvika kuMexico muna 1947
Kuparidzira muBrazil; kupinda Chikoro Chevazivisi Vemashoko eUmambo kuMalawi
ZVEKUFUNGA NEZVAZVO: Kana usina kuroora kana kuroorwa, ungashandisa sei nguva yako zvakanaka?
Vamwe vari muungano vangaita sei kuti vakurudzire vanhu vasina kuroora kana kuroorwa?