PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | VAKOROSE 1-4
Pfekenurai Unhu Hwekare, Mupfeke Unhu Hutsva
Pawakawana chokwadi, pane zvinhu zvakawanda zvawakachinja paunhu hwako here? Jehovha akafara chaizvo nekushanda nesimba kwawakaita. (Eze 33:11) Asi unofanira kuramba uchishanda nesimba kuti unhu ihwohwo husadzoka uye woramba uchiva neunhu hutsva. Pindura mibvunzo inotevera kuti uone paunofanira kugadzirisa:
Ndinoramba ndiine chigumbu here kana ndikatadzirwa nemumwe munhu?
Ndinoratidza vamwe mwoyo murefu here kunyange ndiine zvandiri kumhanyira kuita kana kuti ndakaneta?
Kana ndikapindwa nepfungwa dzeunzenza, ndinokurumidza kudzibvisa here?
Ndinovenga vanhu verumwe rudzi here?
Munguva ichangobva kupfuura, pane here zvandakaita zvinoratidza kuti ndakatadza kudzora hasha?