PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | 1 VATESARONIKA 1-5
“Rambai Muchikurudzirana Uye Muchivakana”
MuKristu wese anokwanisa kukurudzira vamwe. Semuenzaniso, kunyange “tichitambudzika zvikuru” neutano kana kuti nezvimwewo, kupinda kwatinoita misangano uye kubuda muushumiri kunokurudzira vamwe vatinonamata navo. (1VaT 2:2, mashoko emuzasi) Uyewo, kana tikagara tafunga uye tatsvakurudza mashoko anokurudzira, zvichatibatsira kuti tizonyaradza vatinonamata navo.
Ungawanepi mashoko ekukurudzira mumwe munhu ane dambudziko raari kusangana naro?
Ndiani waunoda kukurudzira muungano yenyu?