PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | 2 JOHANI 1-13; 3 JOHANI 1-14–JUDHA 1-25
Tinofanira Kurwa Kuti Tirambe Tiri Muchokwadi
Jesu akati: “Rwisai kuti mupinde nesuo rakamanikana.” (Ru 13:24) Mashoko aJesu anoratidza kuti tinofanira kushanda nesimba kuti tifarirwe naMwari. Judha, munin’ina waJesu, akanyorawo kuti: ‘Rwirai zvakasimba kutenda.’ Tinofanira kushanda nesimba kuti:
Tisaita upombwe.—Judha 6, 7
Tiremekedze vane simba.—Judha 8, 9
Tisimbise kutenda kwatinoita dzidziso dzechiKristu.—Judha 20, 21