KURARAMA KWECHIKRISTU
Edza Kunyatsonzwisisa Nyaya Yacho Yese
Paunenge uchiverenga Bhaibheri, edza kunyatsonzwisisa zvaunenge uchiverenga. Nzwisisa zviri mumavhesi ari pedyo, vanhu vari kutaurwa munyaya yacho uye zvingangodaro zvakakonzera kuti vaite sezvavakaita. Fungidzira kuti vanhu vari munyaya yacho vari kuonei, vari kunzwei, vari kunhuwidzei uye manzwiro avari kuita.
ONA VHIDHIIYO INONZI VANDUDZA MAVERENGERO AUNOITA BHAIBHERI—CHIDIMBU WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:
Chii chingave chakaita kuti pave nekusawirirana pakati paJosefa nevakoma vake?
Chii chingave chaiita kuti dzimwe nguva vakoma vaJosefa vaite zvinhu vasina kufunga?
Chii chatinodzidza kubva muMagwaro nezvaJakobho, baba vaJosefa?
Jakobho akadzidzisa vanakomana vake chidzidzo chipi chinokosha nezvekugadzirisa kusawirirana?
Wabatsirwa sei nekuona vhidhiyo iyi?