PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | GENESISI 44-45
Josefa Anoregerera Vakoma Vake
Zvinogona kutiomera kuregerera mumwe munhu, kunyanya kana atirwadzisa achitoda hake. Chii chakabatsira Josefa kuti aregerere vakoma vake pavakamuitira utsinye?
Josefa haana kuda kutsiva asi akatsvaga kuti aone kana vakanga vachinja unhu hwavo nekuti aida kuvaregerera.—Pis 86:5; Ru 17:3, 4
Pane kuti achengete chigumbu akatevedzera Jehovha uyo anoda kuregerera vanhu.—Mik 7:18, 19
Ndingatevedzera sei Jehovha pakuregerera vamwe?