RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb20 December p. 3
  • Tinoratidza Rudo Nekutsigira Chirango Chinopiwa naJehovha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tinoratidza Rudo Nekutsigira Chirango Chinopiwa naJehovha
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2020
  • Mashoko Akafanana
  • Kurangwa Chiratidzo Chekuti Jehovha Anotida
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
  • Chirango Icho Chinogona Kubereka Chibereko Chine Rugare
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Nei Kudzinga Mutadzi Kuri Kuratidza Rudo?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Kana Munhu Watinoda Akasiya Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2020
mwb20 December p. 3

KURARAMA KWECHIKRISTU

Tinoratidza Rudo Nekutsigira Chirango Chinopiwa naJehovha

Urongwa hwekudzinga hunochengetedza ungano uye hunobatsira vatadzi vasingapfidzi. (1VaK 5:6, 11) Patinotsigira chirango chakadaro chinobva kuna Jehovha, tinenge tichiratidza rudo. Nei tichiti tinenge tichiratidza rudo asi iko kudzinga kuchirwadza vese vanobatanidzwa, kusanganisira hama dzepedyo uye dare rinotonga?

Chinonyanya kukosha ndechekuti tinenge tichiratidza kuti tinoda zita raJehovha uye tinoda mitemo yake inoita kuti tive vatsvene. (1Pe 1:14-16) Tinenge tichiratidzawo kuti tinoda munhu wacho akadzingwa. Kunyange zvazvo chirango chakasimba chichirwadza, chinogona kuita kuti pave ‘nechibereko chine rugare chekururama.’ (VaH 12:5, 6, 11) Kana tikawadzana nemunhu akadzingwa kana kuti akazvibvisa musangano tinenge tichikanganisa kushanda kwechirango chaJehovha. Yeuka kuti Jehovha anoranga vanhu vake “zvakafanira.” (Jer 30:11) Tinotarisira kuti mutadzi wacho achadzoka kuna Baba vedu vane ngoni. Asi panguva ino tinoramba tichitsigira chirango chaJehovha uye tichiita zvese zvatinogona kuti ushamwari hwedu naye hurambe hwakasimba.—Isa 1:16-18; 55:7.

ONA VHIDHIYO INONZI RAMBA WAKAVIMBIKA NEMWOYO WESE, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Mufananidzo wakatorwa muvhidhiyo inonzi ‘Ramba Wakavimbika Nemwoyo Wese.’ Gabriella naBen vachichema pashure pekuverenga tsamba yakanyorwa nemwanakomana wavo abva pamba.

    Vabereki vechiKristu vanorwadziwa zvakadii mwana wavo paanosiya Jehovha?

  • Mufananidzo wakatorwa muvhidhiyo inonzi ‘Ramba Wakavimbika Nemwoyo Wese.’ Hama nehanzvadzi dzichimbundira nekunyaradza Gabriella naBen pashure pemusangano weungano.

    Ungano ingatsigira sei vemumhuri vakatendeka?

  • Mufananidzo wakatorwa muvhidhiyo inonzi ‘Ramba Wakavimbika Nemwoyo Wese.’ Gabriella achifungidzira zvaiitika pakapanduka Kora.

    Inyaya ipi iri muBhaibheri inoratidza kuti kuvimbika kwatakaita kuna Jehovha kunofanira kunge kwakasimba kupfuura kwatakaita kune vemumhuri?

  • Mufananidzo wakatorwa muvhidhiyo inonzi ‘Ramba Wakavimbika Nemwoyo Wese.’ Pavanenge vabva kumisangano, Gabriella anoudza Ben nezvemeseji yatumirwa nemwanakomana wavo.

    Tinoratidza sei kuti takavimbika kuna Jehovha kupfuura kuvimbika kwatakaita kune vemumhuri?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe