KURARAMA KWECHIKRISTU
Unoda Kunyorera Kuti Upinde Chikoro Chevazivisi Vemashoko eUmambo Here?
Une makore ari pakati pe23 ne65 uye uri mubasa renguva yakazara here? Une utano hwakanaka uye unokwanisa kushumira kunodiwa vaparidzi vakawanda here? Kana wapindura mibvunzo iyi uchiti hongu, wakambofunga nezvekunyorera kuti upinde Chikoro Chevazivisi Vemashoko eUmambo here? Kubva pakatanga chikoro ichi, pane vaKristu vakawanda vakanyorera avo vanosanganisira vakaroorana, hama dzisina kuroora, uye hanzvadzi dzisina kuroorwa. Asi tinoda kuti hama dzakawanda dzisina kuroora dzinyorere. Kumbira Jehovha kuti akuwedzere chido chekumufadza uye chekutevedzera Mwanakomana wake. (Pis 40:8; Mt 20:28; VaH 10:7) Chibva waronga kuti basa rako kana zvimwe zvaunoita zvisakutadzisa kupinda chikoro chacho.
Vaya vanenge vapinda chikoro ichi vanogona kuita mabasa api? Vamwe vanogona kunzi vashumire mundima dzemimwe mitauro kana kuti vanogona kunzi vaparidze munzvimbo dzinopfuura nevakawanda. Vamwe vanozoshumira sevatariri vematunhu, sevaya vanombobata nzvimbo dzevatariri vematunhu, kana kuti semamishinari ari mundima. Paunenge uchifunga zvaunogona kuita mubasa raJehovha, iva nemafungiro seaiva nemuprofita Isaya uyo akati: “Ndiri pano! Nditumei!”—Isa 6:8.
ONA VHIDHIYO INONZI MAMISHINARI ARI MUNDIMA—VASHANDI VARI KUKOHWA, WOBVA WAPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:
Mamishinari ari mundima anosarudzwa sei?
Ibasa ripi rakanaka riri kuitwa nemamishinari ari mundima?
Makomborero api anowanikwa nevaya vanoshumira semamishinari?