RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb20 December p. 7
  • Unoda Kunyorera Kuti Upinde Chikoro Chevazivisi Vemashoko eUmambo Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unoda Kunyorera Kuti Upinde Chikoro Chevazivisi Vemashoko eUmambo Here?
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2020
  • Mashoko Akafanana
  • Vafundisi Vanokurumidzisa Kukura Munyika Yose
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Ronga Zvaunoda Kuzoita Mugore Rebasa Riri Kuuya—Zadza Fomu Rekupinda Chikoro Chevazivisi Vemashoko eUmambo
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2022
  • Mamishinari Ari ‘Kusvika Kunzvimbo Dziri Kure Dzenyika’
    Mashandisirwo Ari Kuitwa Mari Yenyu Yezvipo
  • Chikoro Chine Vanenge Vapedza Kudzidza Vari Kubatsira Vanhu Munyika Yose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2020
mwb20 December p. 7
Vadzidzi vachipinda Chikoro Chevazivisi Vemashoko eUmambo.

KURARAMA KWECHIKRISTU

Unoda Kunyorera Kuti Upinde Chikoro Chevazivisi Vemashoko eUmambo Here?

Une makore ari pakati pe23 ne65 uye uri mubasa renguva yakazara here? Une utano hwakanaka uye unokwanisa kushumira kunodiwa vaparidzi vakawanda here? Kana wapindura mibvunzo iyi uchiti hongu, wakambofunga nezvekunyorera kuti upinde Chikoro Chevazivisi Vemashoko eUmambo here? Kubva pakatanga chikoro ichi, pane vaKristu vakawanda vakanyorera avo vanosanganisira vakaroorana, hama dzisina kuroora, uye hanzvadzi dzisina kuroorwa. Asi tinoda kuti hama dzakawanda dzisina kuroora dzinyorere. Kumbira Jehovha kuti akuwedzere chido chekumufadza uye chekutevedzera Mwanakomana wake. (Pis 40:8; Mt 20:28; VaH 10:7) Chibva waronga kuti basa rako kana zvimwe zvaunoita zvisakutadzisa kupinda chikoro chacho.

Vaya vanenge vapinda chikoro ichi vanogona kuita mabasa api? Vamwe vanogona kunzi vashumire mundima dzemimwe mitauro kana kuti vanogona kunzi vaparidze munzvimbo dzinopfuura nevakawanda. Vamwe vanozoshumira sevatariri vematunhu, sevaya vanombobata nzvimbo dzevatariri vematunhu, kana kuti semamishinari ari mundima. Paunenge uchifunga zvaunogona kuita mubasa raJehovha, iva nemafungiro seaiva nemuprofita Isaya uyo akati: “Ndiri pano! Nditumei!”—Isa 6:8.

ONA VHIDHIYO INONZI MAMISHINARI ARI MUNDIMA—VASHANDI VARI KUKOHWA, WOBVA WAPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Mufananidzo wakatorwa muvhidhiyo inonzi ‘Mamishinari Ari Mundima—Vashandi Vari Kukohwa.’ Murume nemudzimai vari mamishinari vari kufamba mumugwagwa vari muushumiri.

    Mamishinari ari mundima anosarudzwa sei?

  • Mufananidzo wakatorwa muvhidhiyo inonzi ‘Mamishinari Ari Mundima—Vashandi Vari Kukohwa.’ Mumishinari neimwe hanzvadzi vari kudzidza Bhaibheri nemumwe mukadzi.

    Ibasa ripi rakanaka riri kuitwa nemamishinari ari mundima?

  • Mufananidzo wakatorwa muvhidhiyo inonzi ‘Mamishinari Ari Mundima—Vashandi Vari Kukohwa.’ Hama iri mumishinari mundima yemasaini iri kukurukura neimwe hama nezvefomu rebasa renguva yakazara.

    Makomborero api anowanikwa nevaya vanoshumira semamishinari?

Ungada kuziva zvakawanda nezveChikoro Chevazivisi Vemashoko eUmambo here? Enda pakanzi “Mavhidhiyo” pachikamu chakanzi Raibhurari pajw.org, wotarisa pakanzi MABASA ATINOITA > ZVIKORO ZVESANGANO UYE KUROVEDZWA. Ona vhidhiyo inonzi Makomborero Atakawana Nekudzidziswa Kwatakaitwa naJehovha.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe