KURARAMA KWECHIKRISTU | RONGA ZVAUNODA KUZOITA MUGORE REBASA RIRI KUUYA
Zadza Fomu Rekupinda Chikoro Chevazivisi Vemashoko eUmambo
Haufaniri hako kumirira kuti zvinhu zvese zvinge zvanaka muupenyu hwako kuti ukwanise kupinda Chikoro Chevazivisi Vemashoko eUmambo, (SKE). Zvinhu zvinonyanya kudiwa kuti ukwanise kupinda chikoro ichi kuva neushamwari hwakasimba naJehovha uye kuva nechido chekubvuma chero basa raunozopiwa nesangano rake.—Isa 6:8.
ONA VHIDHIYO INONZI PINDA SUO REBASA UINE KUTENDA—ZADZA FOMU REKUPINDA CHIKORO CHEVAZIVISI VEMASHOKO EUMAMBO, WOZOPINDURA MUBVUNZO UNOTEVERA:
Chii chaiita kuti Gabriel anetseke kuti onyorera here kupinda SKE, uye akabatsirwa sei nekufungisisa zvinotaurwa pana VaFiripi 4:13?