RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb21 January p. 5
  • Chengetedza Wanano Yako

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chengetedza Wanano Yako
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
  • Mashoko Akafanana
  • Zvamungaita Kuti Wanano yechiKristu Ibudirire
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • Kana Roorano Yava Kudokupunzika
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
  • Upenyu Pashure Pezuva Remuchato
    Ramba Uri Murudo rwaMwari
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
mwb21 January p. 5
Murume akagara pasi nemudzimai wake uye vari kuwacha hembe vachifara.

KURARAMA KWECHIKRISTU

Chengetedza Wanano Yako

Jehovha anokoshesa chaizvo mhiko dzemuchato. Akati murume nemudzimai vanofanira kuramba vari pamwe chete. (Mt 19:5, 6) Pakati pevanhu vaMwari pane vanhu vakawanda vari kufara muwanano dzavo. Zvisinei, hapana wanano ine vanhu vasingakanganisi. Matambudziko anomuka. Hatifaniri kuva nemaonero ane vanhu vakawanda ekuti kana pakamuka matambudziko, kuparadzana kana kuti kurambana ndiko kuzvipedza. VaKristu vangachengetedza sei wanano dzavo?

Ona mazano 5 anokosha.

  1. Chengetedza mwoyo wako nekuramba zvinhu zvakadai sekutamba nemwoyo wemumwe munhu uye varaidzo yeunzenza, izvo zvinogona kukanganisa wanano.—Mt 5:28; 2Pe 2:14.

  2. Simbisa ushamwari hwako naMwari uye shanda nesimba kuti wanano yako imufadze.—Pis 97:10.

  3. Ramba uchipfeka unhu hutsva uye ita kunyange zvinhu zvidiki zvinoratidza kuti une hanya nemumwe wako.—VaK 3:8-10, 12-14.

  4. Rambai muchikurukura zvine ruremekedzo.—VaK 4:6.

  5. Ipa mumwe wako zvaanofanira kupiwa, uchizviita nerudo.—1VaK 7:3, 4; 10:24.

VaKristu pavanokudza wanano, vanenge vachitokudza Jehovha, uyo akaitanga.

ONA VHIDHIYO INONZI ‘NGATIMHANYEI TICHITSUNGIRIRA’—TEERERA MITEMO YEMAKWIKWI EKUMHANYA, WOBVA WAPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Mufananidzo wakatorwa muvhidhiyo inonzi ‘‘Ngatimhanyei Tichitsungirira’—Teerera Mitemo Yemakwikwi Ekumhanya,’ Hama naHanzvadzi Calou vachinyemwerera pashure pehurukuro yavo yemuchato paImba yeUmambo.

    Kunyange zvazvo wanano ingatanga zvakanaka, matambudziko api anogona kumuka?

  • Mufananidzo wakatorwa muvhidhiyo inonzi ‘‘Ngatimhanyei Tichitsungirira’—Teerera Mitemo Yemakwikwi Ekumhanya,’ Hama naHanzvadzi Calou vari kukurukura matambudziko avo vakadzikama. Patafura pane Bhaibheri rakavhurwa.

    Mazano api eBhaibheri anogona kubatsira vaya vanofunga kuti vari muwanano isina rudo?

  • Mufananidzo wakatorwa muvhidhiyo inonzi ‘‘Ngatimhanyei Tichitsungirira’—Teerera Mitemo Yemakwikwi Ekumhanya,’ Hama Calou vachiverengera mudzimai wavo nevanasikana vaviri bhuku rinonzi ‘Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri’

    Shandisa mazano ari muBhaibheri kuti ufare muwanano

    Jehovha akapa mitemo ipi ine chekuita newanano?

  • Murume nemudzimai vanofanira kuitei kuti vafare muwanano yavo?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe