RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w13 9/1 p. 16
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Mashoko Akafanana
  • Bhaibheri Rinotii Nezvewanano?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Mungaitei Kuti Mhuri Yenyu Ifare?
    Mashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari!
  • Chengetedza Wanano Yako
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
  • Kuvakwa Kungaitwa Muchato Unofadza
    Mukai!—2006
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
w13 9/1 p. 16

MIBVUNZO YEBHAIBHERI INOPINDURWA

Chii chingaita kuti vari muwanano vafare?

Mazano eBhaibheri panyaya yokuva newanano inofadza anobatsira nokuti rinobva kuna Jehovha Mwari anova ndiye akatanga wanano. Rinotidzidzisa kuva neunhu hunoita kuti wanano inakidze uye rinotinyevera nezveunhu hunoparadza wanano. Rinotidzidzisawo kuti tigone kukurukurirana zvakanaka zvoita kuti tiwedzere kufara muwanano.—Verenga VaKorose 3:8-10, 12-14.

Varume nemadzimai vanofanira kukudzana uye kuremekedzana. Vanogona kufara kana vakabvuma zvavanonzi naMwari vaite muwanano.—Verenga VaKorose 3:18, 19.

Chii chinoita kuti vari muwanano vachembedzane?

Vari muwanano vanogona kugara vose kana vachidanana. Mwari anotidzidzisa maratidzire atingaita rudo. Jehovha neMwanakomana wake Jesu, mienzaniso yakanaka yerudo rwokuzvipira.—Verenga 1 Johani 4:7, 8, 19.

Kana varume nemadzimai vakaremekedza urongwa uhwu hwewanano, vanogarisana zvakanaka. Mwari akaita kuti wanano ive mubatanidzwa unogara zvachose pakati pemurume nemukadzi kuitira kuti mhuri dzive dzakachengeteka. Izvi zvinokwanisika nokuti Mwari akasika murume nomudzimai kuti vagarisane uye vabatsirane. Akavasikawo nomufananidzo wake, vachikwanisa kutevedzera rudo rwake.—Verenga Genesisi 1:27; 2:18, 24.

Kuti uwane mamwe mashoko, ona chitsauko 14 chebhuku iri rinonzi Bhaibheri Rimbodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha

Unogona kurikopa pawww.pr2711.com

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe