RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb21 May p. 11
  • Dzidzisa Nechido

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Dzidzisa Nechido
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
  • Mashoko Akafanana
  • Kuva Nechido
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Kutaura Nechido
    Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
  • Wedzera Mufaro Wako Muushumiri—Bvunza Mibvunzo
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
  • Taura Zvinobaya Mwoyo
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
mwb21 May p. 11
Hama iri kunakidzwa nekudzidza Bhaibheri nemurume wechikuru.

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI | WEDZERA MUFARO WAKO MUUSHUMIRI

Dzidzisa Nechido

Kana tiine chido, zvinongoitika zvega kuti vamwe vavewo nechido. Kana tichidzidzisa nechido, vanhu vachanyatsoteerera zvatinenge tichitaura. Kuva nechido kunoratidzawo kuti mashoko atiri kutaura anokosha. Pasinei nekwatinobva kana kuti tiri vanhu vanonyara here, tinogona kutaura nechido. (VaR 12:11) Tinozviita sei?

Chekutanga, funga nezvekukosha kwemashoko auinawo. Une chikomborero ‘chekuzivisa mashoko akanaka ezvinhu zvakanaka.’ (VaR 10:15) Chechipiri, funga kubatsirwa kuchaitwa vanhu nemashoko akanaka. Zvakakosha chaizvo kuti vanzwe mashoko aya. (VaR 10:13, 14) Chekupedzisira, taura nechido, uye zvaunoita chiso chako nemuviri wako ngazviratidze kuti uri kutaura zvinobva pasi pemwoyo.

ONA VHIDHIYO YAKANZI WANA MUFARO PAKUITA KUTI VANHU VAVE VADZIDZI—VANDUDZA UNYANZVI HWAKO—KUDZIDZISA NECHIDO, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Chikamu chevhidhiyo inonzi ‘Wana Mufaro Pakuita Kuti Vanhu Vave Vadzidzi—Vandudza Unyanzvi Hwako—Kudzidzisa Nechido.’ Neeta ari kurwadziwa nekuti Jade ati haasi kukwanisa kudzidza Bhaibheri.

    Chii chakaita kuti chido chaNeeta chekuramba achidzidza Bhaibheri naJade chiderere?

  • Chikamu chevhidhiyo inonzi ‘Wana Mufaro Pakuita Kuti Vanhu Vave Vadzidzi—Vandudza Unyanzvi Hwako—Kudzidzisa Nechido.’ Jade anoratidza kuti haasi kunakidzwa nezvaari kudzidza.

    Chii chakamubatsira kuti avezve nechido?

  • Chikamu chevhidhiyo inonzi ‘Wana Mufaro Pakuita Kuti Vanhu Vave Vadzidzi—Vandudza Unyanzvi Hwako—Kudzidzisa Nechido.’ Jade naNeeta vari kutaura vachifara pashure pekunge vapedza kudzidza.

    Kana tiine chido, zvinongoitika zvega kuti vamwe vavewo nechido

    Nei tichifanira kuisa pfungwa pane zvinhu zvakanaka zvinoitwa nevateereri vedu?

  • Chii chinogona kuitika kuzvidzidzo zvedu zveBhaibheri nevamwewo kana tiine chido?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe