CHIDZIDZO 10
Kuva Nechido
KUVA nechido kunobatsira kuti hurukuro ive noupenyu. Kunyange zvichikosha kuva nemashoko anodzidzisa, hurukuro yakamuka, inokurukurwa nechido ndiyo ichaita kuti vateereri varambe vakamuka. Pasinei netsika dzekwawakakurira kana unhu hwako, unogona kukudziridza kuva nechido.
Taura Zvine Upenyu. Paaitaura nomukadzi wokuSamariya, Jesu akati avo vanonamata Jehovha vanofanira kudaro “nomudzimu nechokwadi.” (Joh. 4:24) Kumunamata kwavo kunofanira kukurudzirwa nemwoyo inoonga uye kwova maererano nechokwadi chiri muShoko raMwari. Kana munhu achionga zvikuru, zvicharatidzwa nematauriro aanoita. Achava neshungu dzokutaurira vamwe nezvezvipo zvorudo zvinobva kuna Jehovha. Chiso chake, kushandisa dzimwe nhengo dzomuviri kwaanoita, uye inzwi rake, zvicharatidza manzwiro aanoita chaiwo.
Saka nei zvichiitika kuti mukurukuri anoda Jehovha uye ane chokwadi nezvaari kutaura angasava nechido pakutaura? Hazvina kukwana kungogadzirira zvaachazotaura. Anofanira kuita kuti hurukuro yake ive noupenyu, kuzvipira zvachose kwairi. Ngatitii anzi ataure nezvechibayiro chorudzikinuro chaJesu Kristu. Paanokurukura hurukuro yake, pfungwa dzake dzinofanira kuzara, kwete nemashoko chete, asi nokuonga zvinorehwa nechibayiro chaJesu kwaari iye nokuvateereri vake. Anofanira kubudisa kuonga kwake Jehovha Mwari naJesu Kristu nokuda kwechipo ichi chakanaka kwazvo. Anofanira kufunga nezvetarisiro huru youpenyu inozarurirwa vanhu nacho—mufaro usingaperi muutano hwakakwana munyika inenge yadzorerwa kuva paradhiso! Saka mwoyo wake unofanira kubatanidzwawo.
Nezvomunyori Ezra, mudzidzisi munyika yeIsraeri, Bhaibheri rinoti: aka“gadzirira mwoyo wake kuti aone kuti mutemo waJehovha unotii uye auite uye kuti audzidzise . . . muna Israeri.” (Ezra 7:10, NW) Kana tikaitawo izvozvo—kugadzirirawo mwoyo kwete mashoko chete—tichataura zvichibva pamwoyo. Mashoko omwoyo wose echokwadi akadaro anogona kuita zvakawanda kubatsira vatinotaura navo kukudziridza kuda chokwadi chaiko.
Funga Nezvevateereri Vako. Chimwe chinhu chinokosha pakuratidza kuva nechido kutendiswa kuti vateereri vako vanofanira kunzwa zvauri kuda kutaura. Izvi zvinoreva kuti paunenge uchigadzirira hurukuro yako, haufaniri kungounganidza mashoko anobatsira chete asi unofanirawo kunyengetera kuna Jehovha kuti akutungamirire mukuishandisa kubatsira vaya vauchaikurukurira. (Pis. 32:8; Mat. 7:7, 8) Ongorora kuti nei vateereri vako vachifanira kunzwa mashoko acho, achavabatsira sei, uye kuti ungaakurukura sei zvinoita kuti kukosha kwawo kuongwe.
Gadzirira hurukuro yako kusvikira wawana chimwe chinhu chinokunakidza. Haafaniri hawo kuva mashoko matsva, asi matauriro aunoiita angava matsva. Kana ukagadzirira, chimwe chinhu chichabatsira vateereri vako zvechokwadi kusimbisa ukama hwavo naJehovha, kuonga zvaanotipa, kukwanisa kurarama zvinobudirira nezvinetso zvoupenyu hwenyika ino yekare, kana kuti vabudirire muushumiri hwavo, une zvikonzero zvose zvokuva nechido muhurukuro yako.
Zvakadini kana uchifanira kuzoverengera vanhu? Kuti uzviite uchiratidza chido, pane zvakawanda zvinodiwa kupfuura kungogona kutaura mashoko acho zvakarurama uye kuaunganidza zvakanaka pamwe chete. Dzidza mashoko acho. Kana uchizoverenga chikamu cheBhaibheri, imbotsvakurudza mamwe mashoko nezvacho. Iva nechokwadi chokuti unonzwisisa zvachinoreva zvinokosha. Funga kuti chinobatsira sei iwe nevateereri vako, uye verenga une chido chokuonesa izvozvo kune vari kukuteerera.
Uri kugadzirira ushumiri hwomumunda here? Dzokorora nhau yauchakurukura uye magwaro aunoronga kuzoshandisa. Fungawo zviri mupfungwa dzevanhu. Chii chave chichitaurwa munhau? Vari kushupika nechii? Kana wakagadzirira kuratidza vanhu kuti Shoko raMwari rine mushonga wezvinetso zvavo, unonzwa uchida kuvaratidza, uye kuratidza chido kunongozviuyira.
Ratidza Kuva Nechido Nokukurukura Wakachangamuka. Kuva nechido kunonyatsooneka zviri pachena nokuva akachangamuka pakukurukura kwako. Izvi zvinofanira kuonekwa nezvaunoita chiso chako. Unofanira kunzwika kuti unotenda zvauri kutaura, asi usingazvikudzi.
Kuva nomwero kunodikanwa. Vamwe vanenge vanongoita manyemwe nezvose zvose. Vangada kubatsirwa kuziva kuti kana munhu akataura nemanyawi kana kuti kunyanyisa kusimbisa, vateereri vake vachafunga nezvake panzvimbo pemashoko aari kutaura. Asiwo vaya vanonyara vanoda kukurudzirwa kuti vanyatsotaura zvine upenyu.
Kuva nechido kunogona kupiwa vamwe. Kana uchipota uchitarira vateereri uye une chido nehurukuro yako, vateereri vako vachavawo nechido chaunacho. Aporo akaratidza kuva akachangamuka mukutaura kwake, uye akarondedzerwa senyanzvi pakutaura. Kana uchipisa nomudzimu waMwari, kukurukura kwako kwakachangamuka kuchaita kuti vanokuteerera vaite chimwe chinhu.—Mab. 18:24, 25; VaR. 12:11.
Chido Chakakodzera Mashoko. Chenjerera kuti chido chako hachinyanyisi muhurukuro yako yose zvokuti vateereri vako vanoneta. Zvaunovarayira kuti vazoita pane zviri kutaurwa zvichawira panzeve dzakaneta. Izvi zvinoratidza kudikanwa kwokugadzirira mashoko anozobvumira kusiyanisa pakukurukura kwako. Edza kusakurukura nenzira inoratidza kuti hauna hanya nezvauri kutaura. Kana ukanyatsosarudza mashoko ako, uchaafarira kwazvo. Asi dzimwe pfungwa dzinongoerekana dzaita kuti uve nechido nemashoko acho, uye idzodzi dzinofanira kunyatsosiyaniswa-siyaniswa muhurukuro yako yose.
Pfungwa huru ndidzo dzinofanira kunyanya kukurukurwa nechido chikuru. Hurukuro yako inofanira kuva nepainonzwika kuti yave kutsviriridza paunovakira. Sezvo idzi dziridzo nzvimbo dzinokosha dzehurukuro yako ndidzo dzinofanira kuva nzvimbo dzaunoronga kukurudzira vateereri vako. Waita kuti vateereri vako vabvume, unofanira kuvakurudzira, kuvaratidza kubatsira kwokushandisa zvataurwa. Kuva nechido kwako kuchakubatsira kusvika pamwoyo yevateereri vako. Kuchangamuka hakufaniri kuita zvokumanikidzirwa. Panofanira kuva nechikonzero chokudaro, uye mashoko ako achakupa chikonzero ichocho.