SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI | WEDZERA MUFARO WAKO MUUSHUMIRI
Batsira Vadzidzi veBhaibheri Kusiyana Neshamwari Dzakaipa
Kuti vave shamwari dzaJehovha, vadzidzi veBhaibheri vanofanira kusarudza shamwari dzakanaka. (Pis 15:1, 4) Shamwari dzakanaka dzichavabatsira kuti vaite zvakanaka.—Zvi 13:20; lff chidzidzo 48.
Paunenge uchibatsira vadzidzi vako veBhaibheri kuti vasiyane neshamwari dzakaipa, edza kunzwisisa manzwiro avo. Vanogona kuomerwa nekusiya shamwari dzisingashumiri Jehovha. Saka ratidza kuti une hanya navo pamazuva amunenge musiri kudzidza Bhaibheri. Unogona kuvatumira meseji, kuvafonera kana kuvashanyira. Vadzidzi vako pavanofambira mberi, unogona kuvakoka kuti vawadzane nevanhu vaMwari. Vachabva vazvionera vega kuti vari kuwana zvakawanda kupfuura zvavari kurasikirwa nazvo. (Mk 10:29, 30) Iwewo uchafara kuona mhuri yevanhu vaJehovha ichiwedzera.
ONA VHIDHIYO INONZI BATSIRA VADZIDZI VAKO VEBHAIBHERI KUSIYANA NESHAMWARI DZAKAIPA, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:
Ushamwari hwakaipa hwakaita sei?—1VaK 15:33
Zvii zvaifungidzirwa naJade kuti ndizvo zvinenge zvichiitika kana vaKristu vachitandara?
Neeta akabatsira sei Jade kutsvaga shamwari dzakanaka?