RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb22 May p. 11
  • Zvidzore

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvidzore
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2022
  • Mashoko Akafanana
  • Zvii Zvandinofanira Kuziva Nezvekuputa Uye Kuvhepa?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Mwari Anoona Sei Kusvuta?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Ungakurira Sei Kuda Zvakaipa?
    Mukai!—2003
  • Ndinofanira Kuzivei Nezvokusvuta?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2022
mwb22 May p. 11

KURARAMA KWECHIKRISTU

Zvidzore

Sevanhu vane chivi, tinotofanira kushanda nesimba kuti tizvidzore pane zvatinoita uye zvatinoshuva. Kana tikasazvidzora, tinogona kupedzisira tisisafarirwi naJehovha. Semuenzaniso, vamwe vanonyanya kuda zvekudya, zvekupfeka uye pekugara kupfuura kuda kwavanoita Mwari. Vamwe vanozadzisa zvido zvavo zvepabonde vasingambofungi kuti mitemo yaMwari inoti kudii. (VaR 1:26, 27) Vamwewo ndiwo vanongotevedzera zvinoitwa nevamwe nemhaka yekuti vanenge vachida kufarirwa.—Eks 23:2.

Zvii zvatingaita kuti tizvidzore? Tinofanira kuita zvese zvatinogona kuti tiise pfungwa dzedu pane zvinodiwa naMwari. (Mt 4:4) Uyewo tinofanira kunyengetera tichikumbira kuti Jehovha atibatsire kuzvidzora. Nei tichifanira kudaro? Nekuti anoziva zvakatinakira uye anonyatsoziva zvekuita kuti agutse zvido zvakanaka zvatiinazvo.—Pis 145:16.

ONA VHIDHIYO INONZI USAKANGANISA UPENYU HWAKO NEKUPUTA, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Pikicha iri muvhidhiyo inonzi “Usakanganisa Upenyu Hwako Nekuputa.” Muchina uri kugadzira zvidhori zviri kuputa fodya.

    Nei vamwe vanhu vachiputa?

  • Pikicha iri muvhidhiyo inonzi “Usakanganisa Upenyu Hwako Nekuputa.” Bapu remunhu anoputa fodya riri kukosora.

    Kuputa kunogona kukukanganisa sei?

  • Pikicha iri muvhidhiyo inonzi “Usakanganisa Upenyu Hwako Nekuputa.” Zirume rine bhizinesi refodya rakaisa chinoshandiswa kuita zvevaping pachirauro richiedza kukwezva mumwe musikana nacho.

    Kuputa nekuita zvevaping kwakaipirei?—2VaK 7:1

  • Pikicha iri muvhidhiyo inonzi “Usakanganisa Upenyu Hwako Nekuputa.” Musikana akamira padenga rechimwe chivakwa akatarisa zuva.

    Unogona kukurira chido chekuputa!

    Zvii zvaungaita kuti usabvuma kufurirwa kuputa kana kuti ungaita sei kuti usiye tsika yacho?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe