Zvinotaura Bhaibheri
Ungakurira Sei Kuda Zvakaipa?
“Pandinoda kuita zvakarurama, zvakaipa zviri mandiri.”—VAROMA 7:21.
ZVICHIDA kudarika vamwe vaapostora vose, Pauro akashanda nesimba kusimudzira tsika dzakakwirira dzechiKristu. (1 VaKorinde 15:9, 10) Kunyange zvakadaro, akabvuma pachena zviri pamusoro apa. Akava nehondo yaipfuurira isingaperi yezvaidiwa nepfungwa dzake asi iye achinzwa kuda zvakaipa. Wakambonzwa sezvakaita muapostora Pauro here? Chaizvoizvo, sezvisikwa zvisina kukwana, ndiani wedu asati ambova nehondo iyi yomukati?
Kuvakawanda, kurwisa nokukunda zvakaipa kwakatokura zvikuru. Vamwe vanorwisana nokuda kuzvigutsa muunzenza hwepabonde. Vamwe varanda vakapindwa muropa nokubhejera, fodya, zvinodhaka zvisingabvumirwi nomutemo, kana doro. Patinotambudzwa nezvido zvinokuvadza uye zvisina kuchena, tingazvikurira sei? Rubatsiro rwupi ruripo? Kurwisana nokuda zvakaipa kuchazomboguma here?
Rudo—Kiyi Yokukurira Kuda Zvakaipa
Jesu akataura nezvemirayiro miviri mikuru pane yose muMutemo waMosesi. Wokutanga waiva uyu: “Unofanira kuda Jehovha Mwari wako nemwoyo wako wose nemweya wako wose nepfungwa dzako dzose.” (Mateu 22:37) Kana tichida Mwari sezvakataurwa naJesu kuti tinofanira kuita, kuMufadza hakufaniri kuva chinhu chatinoda kupfuura zvose here? Kana zvakadaro, kuda zvakarurama ikoko kunogona kutibatsira kurwisa kwedu kunyange kuda zvakaipa kuya kwakaoma kwazvo! Iyi haisi rondedzerowo zvayo yokungotaura isingashandi. Mamiriyoni evaKristu anobudirira kurwisa kuda zvakaipa zuva nezuva. Unogona sei kuda Mwari zvakasimba kudaro? Nokufungisisa uchionga kunaka kwake kunooneka muzvinhu zvaakasika, muBhaibheri, uye mukubata kwake nesu.—Pisarema 116:12, 14; 119:7, 9; VaRoma 1:20.
Murayiro wechipiri mukuru kwazvo wakataurwa naJesu waiva wokuti: “Unofanira kuda muvakidzani wako sezvaunozviita.” (Mateu 22:39) Muapostora Pauro akataura kuti rudo “haruzvibati zvisina kufanira” uye “haruzvitsvakiri zvarwo.” Saka rudo rusina udyire rwakadaro runotibatsira kuti tisamboita zvinhu zvinokuvadza vamwe. (1 VaKorinde 13:4-8) Runogona kuvandudzwa sei? Nokuzviisa munzvimbo yevamwe uye kuva vepachokwadi tichiva nehanya nemanzwiro avo uye upenyu hwavo husingaperi.—VaFiripi 2:4.
Kubatsirai Kuripo?
Nokuti Mwari anonzwisisa kuti zvakatiomera sei kuita zvakarurama, akatipa zvinhu zvinobatsira munzira dzakawanda. NeShoko rake rakanyorwa, Bhaibheri, anotidzidzisa kuvenga zvakaipa uye kuva norukudzo rwakanaka kwaari. (Pisarema 86:11; 97:10) Bhaibheri rine nhoroondo dzechokwadi dzoupenyu dzinoratidza mugumisiro unoparadza wokukundwa nokuda zvakaipa. Uyezve, Jesu akataura kuti kana tikaukumbira, Mwari achatipa mudzimu wake mutsvene, simba rinopfuura zvose pane zvose zvakasikwa. (Ruka 11:13) Unogona kutisimbisa pakutsunga kwedu kuita zvakarurama. Kutsigirana nokukurudzirana ndechimwezve chinhu chinobatsira chatinogona kuwana kubva kuvamwe vaKristu vari kurwisawo kuti vakurire kuda zvakaipa. (VaHebheru 10:24, 25) Zvakanaka izvi pazvinokunda zviya zvisina, tinobatsirwa muhondo yedu yokuita zvakarurama. (VaFiripi 4:8) Kuita izvi kunonyatsoshanda here?
Chimbofunga nezvaFidel, uyo aizivikanwa munzanga yake sechidhakwa. Akadhakwa nedoro, aiputa fodya, aibhejera, uye airwa nevamwe. Kudzidza kwake Bhaibheri uye kusonganira neZvapupu zvaJehovha kwakamubatsira kukunda tsika idzodzo. Iye zvino ava noupenyu huri nani kwazvo nomudzimai wake nevana vaviri.
Mumwe munhu angabvunza kuti, ‘Asi zvakadini kana ndikadzokera shure?’ Muapostora Johani akanyora kuti izvozvo zvinomboitika. Akanyora kuti: “Vana vangu vaduku, ndiri kukunyorerai zvinhu izvi kuti murege kuita chivi. Asi, kana munhu akaita chivi, tine mubetseri ari kuna Baba, Jesu Kristu, akarurama. Uye iye chibayiro cheyananiso nokuda kwezvivi zvedu, asi kwete wezvedu bedzi asi wezvenyika yosewo.” (1 Johani 2:1, 2) Chokwadi, chibayiro chaJesu chinofukidza zvikanganiso zvomunhu anopfidza uye anoedza zvepachokwadi kuchinja kuti afadze Mwari. Nokuda kwourongwa ihwohwo, munhu angava nechikonzero chipi chokurega kurwisa kuita zvakarurama?
Kuda Zvakaipa Kuchakundwa
Kana tikakudziridza kuda kwedu Mwari nomuvakidzani uye kushandisa zvakanaka rubatsiro rwaMwari, kunyange zvino tinogona kubudirira mukurwisa kwedu kuda zvakaipa. Uyezve, Shoko raMwari, rinotivimbisa kuti kurwisa uku hakusi kuzoenderera nokusingaperi. Munguva yemberi iri pedyo, vaya vanoshandisa zvakanaka urongwa hwaMwari hwokunamata vachaporeswa zvachose, zvose kunyama nomumudzimu. (Zvakazarurwa 21:3-5; 22:1, 2) Vachasunungurwa pamutoro wechivi uye rufu runokonzerwa nacho. (VaRoma 6:23) Ukuwo, vaya vakatsunga kuramba vachida kuita zvisina kuchena nezvinokuvadza havazowani zvikomborero izvozvo.—Zvakazarurwa 22:15.
Zvinonyaradza kwazvo kuziva kuti hatizofaniri kurwisana nokuda zvakaipa nokusingaperi. Zvichabviswa zvachose uye zvechigarire. Kuchava kusunungurwa zvechokwadi!