KURARAMA KWECHIKRISTU
Tsvaga Mazano Anobatsira Muupenyu paJW.ORG
Shoko raMwari rine mazano anotibatsira pamatambudziko atinosangana nawo mumazuva ano ekupedzisira akaoma. (2Ti 3:1, 16, 17) Asi pamwe pacho tinenge tichitoda kubatsirwa kuwana mazano ezvatinenge tichida. Semuenzaniso, uri mubereki uye uri kutsvaga mazano ekuti ungarera sei vana vako here? Uri wechidiki uye uri kusangana nemiedzo inogona kukanganisa kutenda kwako here? Uri kurwadziwa nekufirwa nemurume kana kuti nemudzimai here? Pajw.org pane nyaya dzine mazano ari muBhaibheri anogona kukubatsira panyaya idzi nedzimwewo.—Zvi 2:3-6.
Pajw.org enda pachikamu chakanzi ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI. (Ona pikicha 1.) Kana wabaya ipapo, chisarudza kuti inyaya dzipi dzauri kuda. Kana kuti baya pakanzi RAIBHURARI > NYAYA DZINOGARA DZICHIBUDA wobva wasarudza nyaya dzauri kuda. (Ona pikicha 2.) Nyaya idzi dziripowo paJW Library®.a Unogona kunakidzwa nekutarisa nyaya idzi pajw.org kana kuti paJW Library. Imwe nzira yekuwana nayo nyaya dzaunenge uchida ndeyekuenda pajw.org wonyora mashoko auri kuda mubhokisi rakanzi “Tsvaga.”
Nyora mashoko ari pasi apa mubhokisi rakanzi “Tsvaga,” uye panyaya dzichabuda ipapo, nyora pasi kuti ndedzipi dzaunoda kuzoverenga.
Kurera vana
Chirwere chedepression
Kufirwa nemurume kana nemudzimai
a Dzimwe nyaya dzinongowanikwa pajw.org chete.