Nzvimbo Yedu Yepamutemo Inobudisirwa Mashoko paIndaneti—Yakagadzirirwa Kuti Itibatsire Uye Ibatsirewo Vamwe
Jesu akatirayira kuti tiparidze mashoko akanaka oUmambo “munyika yose inogarwa kuti ave uchapupu kumarudzi ose.” (Mat. 24:14) Kuti tikwanise kuita ‘ushumiri hwedu zvizere,’ watchtower.org, jw-media.org, uye jw.org zvakabatanidzwa kuva jw.org.—2 Tim. 4:5.
“Nyika Yose Inogarwa”: Vanhu vanenge 33 pa100 voga voga pasi rose vanoshandisa Indaneti. Ndiyo nzira iri kunyanya kushandiswa nevakawanda kunyanya vechiduku pakutsvaka mashoko. Nzvimbo yedu inopa vanoshandisa Indaneti mhinduro dzechokwadi dzemibvunzo ine chokuita neBhaibheri. Inovabatsira kuti vazive zvakaita sangano raJehovha uye inoita kuti zvive nyore kukumbira kudzidza Bhaibheri pasina mari inobhadharwa. Inoita kuti mashoko akanaka asvike kunzvimbo dzine vanhu vakanga vane mikana mishoma yokunzwa mashoko akanaka oUmambo.
“Marudzi Ose”: Kuti uchapupu husvike “kumarudzi ose,” tinofanira kuzivisa chokwadi cheBhaibheri mumitauro yakasiyana-siyana. Vanovhura jw.org vanogona kuona zviri nyore mashoko ari mumitauro inenge 400, kusiyana nedzimwe nzvimbo dzepaIndaneti.
Nyatsoishandisa Zvakanaka: Nzvimbo itsva yejw.org haingoshandiswi nechinangwa chokuparidzira vanhu vasiri Zvapupu. Yakagadzirirwawo kuti ishandiswe neZvapupu zvaJehovha. Kana uchikwanisa kuenda paIndaneti, tinokukurudzira kuti ujairane nejw.org. Mazano anotevera anobatsira pakuishandisa.
[Mufananidzo uri papeji 3]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
Mashandisiro
1 Nyora kero iyi www.pr2711.com paInternet browser yekombiyuta yako.
2 Ongorora nzvimbo yacho nekubaya misoro yakanyorwa kumusoro, zviri kuruboshwe uye dzimwe nyaya dzinenge dzichiratidzwa.
3 Edza kushandisa jw.org pafoni yako kana kuti pane chimwe chinhu chinogona kubata Indaneti. Mabudiro azvichaita achasiyana zvichienderana nemudziyo waunenge uchishandisa asi mashoko ari mamwe chete.