PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI
Sarudza Wekuroorana Naye Nekuchenjera
Soromoni akatadza kuratidza uchenjeri paakaroora madzimai ainamata vanamwari venhema (1Mad 11:1, 2; w18.07 18 ¶7)
Zvishoma nezvishoma, madzimai aSoromoni akatsausa mwoyo wake pana Jehovha (1Mad 11:3-6; w19.01 15 ¶6)
Jehovha akatsamwira Soromoni kwazvo (1Mad 11:9, 10; w18.07 19 ¶9)
Shoko raMwari rinoyambira vaKristu kuti varoore kana kuroorwa “munaShe chete.” (1VaK 7:39) Asi kunyange kana munhu akabhabhatidzwa hazvirevi kuti atova munhu akakodzera kuroorana naye. Munhu iyeye achakubatsira here kuti urambe uchishumira Jehovha nemweya wese? Ava nenguva achiratidza kuti anoda Jehovha zvakadzama here? Usati wasarudza kuroorana naye, imbozvipa nguva yekunyatsomuziva.