RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb23 January p. 11
  • Tsvaga Mafungiro aMwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tsvaga Mafungiro aMwari
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2023
  • Mashoko Akafanana
  • Tingaita Sei Zvisarudzo Zvinoratidza Kuti Tinovimba naJehovha?
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2023
  • Ita Zvisarudzo Zvinofadza Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Kuverenga Bhaibheri Mazuva Ese Uye Kutsvaga Uchenjeri
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2023
  • Vabereki, Dzidzisai Vana Venyu Kuti Vafadze Mwari
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2023
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2023
mwb23 January p. 11
Chikamu chevhidhiyo yakanzi “’Ngatimhanyei Tichitsungirira’—Idya Zvekudya Zvine Utano.” Rebekah anoshandisa bhurocha rakanzi “The Origin of Life—Five Questions Worth Asking” kutsvakurudza.

KURARAMA KWECHIKRISTU

Tsvaga Mafungiro aMwari

Tinoda kufadza Jehovha nguva dzese. (Zvi 27:11) Kuti tikwanise kuita izvi, tinofanira kuita zvisarudzo zvinoratidza mafungiro ake nguva dzese kunyange paya patinenge tisina mutemo wakajeka unotiudza zvatinofanira kuita. Chii chingatibatsira kuita izvozvo?

Gara uchidzidza Bhaibheri nguva dzese. Pese patinoverenga Bhaibheri, tinenge tichitoita setiri kutandara naJehovha. Tinogona kuziva mafungiro aJehovha kana tikaona mabatiro aaiita vanhu vake uye tikaongorora mienzaniso yevanhu vaanoti vakaita zvakanaka neyevanhu vaanoti vakaita zvakaipa. Patinenge tichida kuita chisarudzo, mweya mutsvene unogona kutibatsira kuyeuka zvinhu zvinokosha zvatakadzidza uye mazano atakawana muShoko raMwari.—Joh 14:26.

Tsvakurudza. Paunenge uchida kuziva kuti wosarudza zvipi, zvibvunze kuti, ‘Inyaya dzipi kana kuti mavhesi api anogona kundibatsira kuziva mafungiro aJehovha panyaya iyi?’ Kuti uwane mazano eBhaibheri anoshanda panyaya yauri kutsvaga, nyengetera kuna Jehovha uchikumbira kuti akubatsire uye tsvakurudza uchishandisa maturusi anobatsira pakutsvakurudza atakapiwa nesangano anowanika mumutauro wako.—Pis 25:4.

ONA VHIDHIYO INONZI ‘NGATIMHANYEI TICHITSUNGIRIRA’—IDYA ZVEKUDYA ZVINE UTANO, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Hanzvadzi iri muvhidhiyo yakasangana nemiedzo ipi?

  • Kutsvakurudza mumabhuku edu kungakubatsira sei kuti ukurire miedzo yakafanana neyakasangana nehanzvadzi iyi?

  • Kuwana nguva yekutsvakurudza uye kudzidza uri wega kunokubatsira sei kuti uite zvisarudzo zvakanaka?—VaH 5:13, 14

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe