RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb23 July p. 11
  • Unogona Kuita Kuti Mhuri Yenyu Ifare

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unogona Kuita Kuti Mhuri Yenyu Ifare
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2023
  • Mashoko Akafanana
  • Zano Raamai Rouchenjeri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Mhuri Yenyu Inogona Kufara
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Kurangwa Chiratidzo Chekuti Jehovha Anotida
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
  • “Kudza Baba Vako Naamai Vako”
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2018
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2023
mwb23 July p. 11
Mapikicha: Mapikicha ari kuratidza zviri muvhidhiyo inonzi “Farai Mumhuri Yenyu.” 1. Vana vari kuona vabereki vavo vachidya keke. 2. Vana vari kufara pakunamata kwemhuri. 3. Mumwe mwana wacho ari kutaura naamai vake vari kurwara vakarara pasofa.

KURARAMA KWECHIKRISTU

Unogona Kuita Kuti Mhuri Yenyu Ifare

Jehovha anoda kuti mhuri dzifare. (Pis 127:3-5; Mup 9:9; 11:9) Asi mufaro iwoyo unogona kupera nemhaka yenhamo dzeupenyu uyewo kukanganisa kunoitwa nevamwe vari mumhuri. Munhu mumwe nemumwe ari mumhuri angaitei kuti mhuri iwedzere kufara?

Murume anobata mudzimai wake nerukudzo. (1Pe 3:7) Anowana nguva yekuva naye. Haatarisiri kuti aite zvaasingakwanisi uye anoratidza kuti anokoshesa zvaanoitirwa nemudzimai wake. Anomutendawo nezvaanoitira mhuri yavo. (VaK 3:15) Anomuratidza rudo uye anomurumbidza.—Zvi 31:28, 31.

Mudzimai anotsvaga nzira dzekutsigira murume wake. (Zvi 31:12) Anozviisa pasi pake uye anoshanda pamwe naye. (VaK 3:18) Anotaura zvakanaka naye uye nezvake.—Zvi 31:26.

Vabereki vanowana nguva yekuva nevana vavo. (Dhe 6:6, 7) Vanoudza vana vavo kuti vanovada. (Mt 3:17) Pavanovarayira kana kuvatsiura, vanozviita nerudo uye vachiratidza kuti vanovanzwisisa.—VaE 6:4.

Vana vanokudza uye vanoteerera vabereki vavo. (Zvi 23:22) Vanoudza vabereki vavo zvavari kufunga uye manzwiro avanenge vachiita. Vanobvuma kurayirwa uye kutsiurwa nevabereki vavo uye vanovaremekedza.—Zvi 19:20.

ONA VHIDHIYO INONZI FARAI MUMHURI YENYU, WOZOPINDURA MUBVUNZO UNOTEVERA:

Zvii zvakaitwa nemunhu mumwe nemumwe wemumhuri iyi kuti mhuri yavo ifare?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe