RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb23 September p. 7
  • Vafudzi Vanoshanda Nesimba Kuti Vabatsire Vanhu vaJehovha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vafudzi Vanoshanda Nesimba Kuti Vabatsire Vanhu vaJehovha
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2023
  • Mashoko Akafanana
  • “Shevedza Vakuru”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Kuratidza Rudo Uye Kunzwira Tsitsi Vatadzi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • Hama​—⁠Mune Chinangwa Chekuva Vakuru Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • Tingaita Sei Zvisarudzo Zvinoratidza Kuti Tinovimba naJehovha?
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2023
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2023
mwb23 September p. 7

KURARAMA KWECHIKRISTU

Vafudzi Vanoshanda Nesimba Kuti Vabatsire Vanhu vaJehovha

Vanhu vakawanda havawanzofariri vanhu vane masimba. Izvozvo zvinonzwisisika nekuti vanhu vakawanda vane masimba havashandisi simba ravo zvakanaka. (Mik 7:3) Tinotenda chaizvo kuti vakuru vari muungano vakadzidziswa kushandisa simba ravo kuti vabatsire vanhu vaJehovha.—Es 10:3; Mt 20:25, 26.

Kusiyana nevanhu vane masimba vari munyika, vakuru vanoita basa ravo reutariri nekuti vanoda Jehovha nevanhu vake. (Joh 21:16; 1Pe 5:1-3) Vachitungamirirwa naJesu, vafudzi ava vanoita kuti muparidzi mumwe nemumwe anzwe kuti anokosha musangano uye vanomubatsira kuti arambe ari pedyo naJehovha. Vanokurumidza kukurudzira makwai aJehovha uye kuabatsira kana pakaitika njodzi kana kuti akarwara. Kana uri kuda kubatsirwa, sununguka kutaura nemumwe mukuru wemuungano menyu.—Jak 5:14.

Chikamu chemuvhidhiyo inonzi “Vafudzi Vane Hanya Nemakwai.” Mukuru ari kumbundira Elias achifara.

ONA VHIDHIYO INONZI VAFUDZI VANE HANYA NEMAKWAI, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Hanzvadzi Mariana vakabatsirwa sei nevakuru?

  • Hama Elias vakabatsirwa sei nevakuru?

  • Pawapedza kuona vhidhiyo iyi, wanzwa sei nezvebasa rinoitwa nevakuru?

Taura nemukuru . . .

  • kana ukatama kana kuti ukachinja nhamba dzefoni

  • kana uine dambudziko rakakura rauri kusangana naro

  • kana uri kuzoita nguva yakati rebei usipo

  • kana uine dambudziko rakakura reutano kana kuti uri kuzopinda muchipatara

  • kana uine chivi chakakura chawakaita

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe