KURARAMA KWECHIKRISTU
Gutsikana Nezvinenge Zviripo
Kana tiri varombo, tinogona kuva pamuedzo wekuita zvinhu zvinogona kukanganisa ushamwari hwedu naJehovha. Semuenzaniso, tinogona kuwana mukana wekuwana mari yakawanda asi uchivhiringidza kunamata kwedu. Kufungisisa mashoko ari pana VaHebheru 13:5 kuchatibatsira.
“Mararamiro enyu ngaarege kuva ekuda mari”
Nyengetera uye funga nezvekuti unokoshesa mari zvakadii, uye fungawo kuti zvauri kuita zviri kudzidzisei vana vako.—g 11/15 10.
“Gutsikanai nezvinenge zviripo”
Gadzirisa maonero ako panyaya yezvinhu zvaunoti haugoni kurarama usina.—w16.07 7 ¶1-2.
“Handizokusiyi, uye handizokurasi”
Vimba kuti Jehovha achakubatsira kuwana zvinhu zvinokosha pakurarama kana ukaramba uchiisa Umambo pakutanga.—w14 4/15 21 ¶17.
ONA VHIDHIYO INONZI HAMA DZEDU DZINE RUGARE PASINEI NENHAMO YEMARI, WOZOPINDURA MUBVUNZO UNOTEVERA:
Wadzidzei pane zvakaitika kuna Miguel Novoa?