KURARAMA KWECHIKRISTU
Zvatinofunga Zvinoratidza Kuti Takaperera Kuna Jehovha Here
Tinoratidza kuti takaperera kuna Jehovha nezvatinotaura, zvatinoita uyewo zvatinofunga. (Pis 19:14) Ndosaka Bhaibheri richitikurudzira kuti tifunge nezvezvinhu zvechokwadi, zvinokosha, zvakarurama, zvakachena, zvinodiwa, zvinotaurwa zvakanaka nezvazvo, zvakanaka uye zvinorumbidzwa. (VaF 4:8) Ichokwadi kuti hatikwanisi kuita kuti pfungwa dzakaipa dzisapinde mupfungwa dzedu. Asi, kuzvidzora kuchatibatsira kuti tibvise pfungwa idzodzo dzakaipa todzitsiva nepfungwa dzakanaka. Kana mafungiro edu achiratidza kuti takaperera kuna Jehovha zvichaoneka nezvatinoita.—Mk 7:21-23.
Pazasi perugwaro rumwe nerumwe, nyora mafungiro atinofanira kurwisa: