RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp21 nha. 1 pp. 10-13
  • Ungaita Sei Kuti Minyengetero Yako Inzwiwe naMwari?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ungaita Sei Kuti Minyengetero Yako Inzwiwe naMwari?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2021
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • NYENGETERA KUNA JEHOVHA MWARI MUZITA RAJESU
  • MUUDZE ZVIRI PAMWOYO PAKO
  • ZVAUNOKUMBIRA NGAZVIENDERANE NEZVINODIWA NAMWARI
  • NDEZVIPI ZVIMWE ZVATINOGONA KUTAURA PATINENGE TICHINYENGETERA?
  • IVA NEMWOYO MUREFU UYE RAMBA UCHINYENGETERA
  • Swedera Pedyo naMwari Nekunyengetera
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Chipo Chatakapiwa naMwari Chemunyengetero
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Kuswedera Pedyo naMwari Mumunyengetero
    Mwari Anodei Kwatiri?
  • Swedera Pedyo naMwari Nokunyengetera
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2021
wp21 nha. 1 pp. 10-13

Ungaita Sei Kuti Minyengetero Yako Inzwiwe naMwari?

Jehovha Mwari “Munzwi wemunyengetero.” (Pisarema 65:2) Tinogona kutaura naye chero kwatinenge tiri, tichitaura zvinonzwika kana kuti nechemumwoyo. Jehovha anoda kuti timuone ‘saBaba’ vedu uye hapana baba vakanaka kumupfuura. (Mateu 6:9) Anotidzidzisa kuti tinofanira kunyengetera sei kuti atinzwe.

NYENGETERA KUNA JEHOVHA MWARI MUZITA RAJESU

“Kana paine chamuchakumbira Baba, vachakupai muzita rangu.”​—Johani 16:23.

Zvakataurwa naJesu zvinoratidza zvakajeka kuti Jehovha anoda kuti tinyengetere kwaari muzita raJesu Kristu kwete kushandisa zvifananidzo, vasande, ngirozi, kana midzimu. Patinonyengetera kuna Mwari muzita raJesu, tinoratidza kuti tinotenda zvatakaitirwa naJesu. Akati, “Hapana anouya kuna Baba asina kusvika nekwandiri.”—Johani 14:6.

MUUDZE ZVIRI PAMWOYO PAKO

“Dururai mwoyo yenyu pamberi pake.”—Pisarema 62:8.

Patinonyengetera kuna Jehovha, tinofanira kutaura naye sekunge tiri kutaura nababa vatinoda. Pane kuita zvekuverenga mubhuku kana kungodzokorora zvinhu zvatakabata nemusoro, tinofanira kumuudza zviri pamwoyo pedu asi tichiratidza kuti tinomuremekedza.

ZVAUNOKUMBIRA NGAZVIENDERANE NEZVINODIWA NAMWARI

“Pasinei nezvatinokumbira maererano nekuda kwake, iye anotinzwa.”​—1 Johani 5:14.

MuBhaibheri, Jehovha Mwari anotiudza zvaachatiitira uye zvaanoda kuti tiite. Kuti minyengetero yedu igamuchirwe naMwari, tinofanira kunyengetera “maererano nekuda kwake.” Kuti tizive zvaanoda, tinofanira kudzidza Bhaibheri kuti tinyatsosvika pakumuziva zvakanaka. Kana tikadaro achanzwa minyengetero yedu.

NDEZVIPI ZVIMWE ZVATINOGONA KUTAURA PATINENGE TICHINYENGETERA?

Mhuri iri kunyengetera isati yadya.

Kumbira Zvaunoda Pakurarama. Tinogona kunyengetera kuna Mwari tichikumbira kuti atipe zvekudya, zvekupfeka uye pekugara. Tinogonawo kunyengetera tichikumbira kuti atipe uchenjeri hwekuita zvisarudzo zvakanaka uye kutsungirira miedzo yatinosangana nayo. Tinogonawo kunyengetera kuti tive nekutenda, atiregerere uye atibatsire.—Ruka 11:3, 4, 13; Jakobho 1:5, 17.

Murume ari kunyengetera nemudzimai wake muchipatara

Nyengetererawo Vamwe. Vabereki vanofara pavanoona vana vavo vachiratidzana rudo. Jehovha anodawo kuti vana vake vepanyika varatidzane rudo. Zvakanaka kuti tinyengeterere murume wedu kana mudzimai, mhuri yedu, vana vedu, uye shamwari dzedu. Mudzidzi waJesu ainzi Jakobho akanyora kuti: “Nyengetereranai.”—Jakobho 5:16.

Murume ari kufamba mumunda zuva rovira.

Tenda Zvaanokuitira. Bhaibheri rinotaura nezveMusiki wedu richiti: “Akaita zvakanaka, achikupai mvura yekudenga nemwaka inobereka zvibereko, achikugutsai nezvekudya uye achizadza mwoyo yenyu nemufaro.” (Mabasa 14:17) Kana tikafunga zvese zvatakaitirwa naMwari, tichanzwa tichida kunyengetera tichimutenda. Asi mararamiro edu anofanira kuratidzawo kuti tinotenda zvaakatiitira.—VaKorose 3:15.

IVA NEMWOYO MUREFU UYE RAMBA UCHINYENGETERA

Dzimwe nguva tinogona kuora mwoyo nekuti tinenge tisina kukurumidza kupindurwa minyengetero yedu. Tinofanira kubva tafunga kuti Mwari haana basa nesu here? Aiwa! Inzwa mienzaniso inoratidza kuti dzimwe nguva tinofanira kuramba tichingonyengetera.

Steve, ambotaurwa munyaya yekutanga anoti, “Dai usiri munyengetero ndingadai ndakarasa tariro, ndisina kuzombowana mufaro muupenyu.” Chii chakamubatsira? Akatanga kudzidza Bhaibheri achibva aona kuti kuramba achinyengetera kunokosha. Steve anoti: “Ndinonyengetera kuna Mwari ndichimutenda nekutsigirwa kwese kwandinoitwa neshamwari dzangu. Iye zvino ndava kufara.”

Ko Jenny, aiona sekuti aiva asina kukodzera kuti minyengetero yake inzwiwe naMwari? Anoti: “Pandainzwa sekuti ndakanga ndisingabatsiri, ndakakumbira Jehovha kuti andibatsire kunzwisisa kuti nei ndainzwa saizvozvo.” Kunyengetera kwakamubatsira sei? Anoti: “Kutaura naMwari kwakandibatsira kuti ndinyatsoona zvinhu sezvazviri. Ndakakwanisa kunyatsoona kuti kunyange zvazvo mwoyo wangu waindipa mhosva Mwari akanga asingandipi mhosva. Kunyengetera kwakandibatsirawo kuti ndisaora mwoyo.” Izvi zvakaguma nei? “Kunyengetera kwakandibatsira kuona Jehovha saMwari, baba uye shamwari ine rudo uye kuti anogara aripo kuti andibatsire chero bedzi ndikaramba ndichiedza kuita zvaanoda.”

Isabel nemurume wake vaine mwana wavo.

Isabel paanoona mwana wake achifara muupenyu pasinei neurema hwake anoti, “ndinonyatsoona kuti Jehovha akapindura minyengetero yangu”

Fungawo zvakaitika kuna Isabel. Paakava nepamuviri, vanachiremba vakamuudza kuti mwana wake aizozvarwa akaremara. Izvi zvakamurwadza chaizvo. Vamwe vakatomuudza kuti abvise pamuviri pacho. Anoti: “Ndaiita sendichafa nemarwadzo anga ari mumwoyo mangu. Ndakanyengetera ndanyengeterazve kuna Mwari ndichikumbira kubatsirwa.” Akazozvara mwana mukomana anonzi Gerard uye anga akaremara. Isabel anofunga kuti Mwari akanzwa minyengetero yake here? Ehe! Nei achifunga kudaro? Anoti: “Mwana wangu ava nemakore 14, uye ari kufara muupenyu pasinei neurema hwake. Kuva naye chikomborero chaicho. Pandinomutarisa, ndinonyatsoona kuti Jehovha akapindura minyengetero yangu.”

Zvakataurwa nevanhu ava vatatu zvinoita kuti tifunge nezvemashoko emunyori wepisarema uyo akati: “Muchanzwa chikumbiro chevanyoro, haiwa Jehovha. Muchasimbisa mwoyo yavo monyatsovateerera.” (Pisarema 10:17) Izvi zvikonzero zvakanaka chaizvo zvekuti tirambe tichinyengetera!

MuBhaibheri mune minyengetero yaJesu yakawanda. Munyengetero wake unonyanya kuzivikanwa ndeuya waakadzidzisa vadzidzi vake. Tingadzidzei pamunyengetero iwoyo?

Zvatinodzidza paMunyengetero waShe

Boka guru revanhu rakanyatsoteerera Jesu paari kupa Mharidzo yake Yepagomo.

Mumharidzo yake Yepagomo, Jesu akadzidzisa vadzidzi vake kunyengetera. Munyengetero uyu unowanzonzi Munyengetero waShe. (Mateu 6:9-13; onawo Ruka 11:2-4.) Kubvira panguva iyoyo, munyengetero uyu wava kuzivikanwa nevanhu vakawanda, zvekuti vakawanda vakaita zvekuubata nemusoro zvekugona kuudzokorora shoko neshoko. Ndizvo zvaidiwa naJesu kuti tiite here? Aiwa, nekuti paakatanga mharidzo yake, akaudza vadzidzi vake kuti vasadzokorora-dzokorora minyengetero yavo. (Mateu 6:7) Akanga ari kuvadzidzisa kuti vanganyengetera sei uye kuti ndezvipi zvavanofanira kunyengeterera. Ngationei zvatinodzidza pamunyengetero uyu.

“Baba vedu vari kudenga”

  • Tinofanira kunyengetera kuna Mwari chete.

“Zita renyu ngaritsveneswe”

  • Zita raMwari rekuti Jehovha rinofanira kukudzwa uye kuonekwa sedzvene.

“Umambo hwenyu ngahuuye”

  • Umambo hwaMwari ihurumende yekudenga uye Jesu ndiye Mambo wayo. Munguva pfupi iri kuuya ichatonga nyika yese.

“Kuda kwenyu ngakuitwe panyika sekudenga”

  • Mwari anoda kuti vanhu vagare nekusingaperi panyika vaine rugare uye vasina chekutya.

“Tipei nhasi zvekudya zvedu zvanhasi”

  • Jehovha ndiye anotipa zvatinoda pakurarama.

“Tiregerereiwo zvivi zvedu”

  • Tese tinokanganisa uye tinoda kuregererwa.

Kuyeuka pfungwa idzi kunogona kukubatsira kuti utaure zvinhu zvinokosha paunenge uchinyengetera.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe