RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp21 nha. 3 p. 3
  • Munhu Wese Anoda Ramangwana Rakanaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Munhu Wese Anoda Ramangwana Rakanaka
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2021
  • Mashoko Akafanana
  • Sumo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2021
  • Zvaungaita Kuti Uve Neramangwana Rakanaka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2021
  • Kungova Munhu Akanaka Kuchaita Kuti Uve Neramangwana Rakanaka Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2021
  • Dzidzo Uye Mari Zvinoita Kuti Uve Neramangwana Rakanaka Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2021
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2021
wp21 nha. 3 p. 3
Mhuri iri kuyeva maruva ari mumuti.

Munhu Wese Anoda Ramangwana Rakanaka

Unoda ramangwana rakaita sei? Zviri pachena kuti sezvinongoita munhu wese, unoda kuti iwe nemhuri yako muve neramangwana rakanaka, rakachengeteka ramuchagara muchifara, muine utano hwakanaka, rugare uye muchibudirira pane zvamunoita.

Asi vanhu vakawanda havana chokwadi kuti vachazombofa vakawana ramangwana ravanoshuvira. Zvinhu zvakangoerekana zvaitika zvakadai sechirwere cheCOVID-19 zvakavhiringidza upenyu hwevanhu, zvikaita kuti vamwe vasare vava varombo uye zvikatouraya vanhu vakawanda. Saka izvi zvinoita kuti vafunge kuti hazviiti kuva neramangwana rakanaka.

Kusava nechokwadi nezveramangwana, kuri kuita kuti vanhu vatsvage zvinhu zvakasiyana-siyana zvavanofunga kuti zvichavabatsira kuva neramangwana rakanaka. Vamwe vanovimba nezvinhu zvisingaoneki, zvakadai sekuva nemhanza yakanaka. Vamwewo ndivo vanoita zvese zvavanogona kuti vawane dzidzo nepfuma, vachifunga kuti zvinhu izvozvo ndizvo zvichaita kuti vawane zvavanoda muupenyu. Vamwe vanofunga kuti kungova munhu akanaka ndiko kuchaita kuti vave neupenyu hwakanaka.

Zvinhu zvinofungwa nevanhu zvataurwa pamusoro apa, zvingakubatsira kuti uve neramangwana raunoda here? Kuti uwane mhinduro yacho unofanira kufunga nezvemibvunzo inotevera:

  • Ramangwana rako riri mumaoko aani?

  • Dzidzo nemari zvinoita kuti uve neramangwana rakanaka here?

  • Kuva munhu akanaka kuchaita kuti uve neramangwana rakanaka here?

  • Ungawanepi mazano anogona kukubatsira kuti uve neramangwana rakanaka?

Magazini ino yeNharireyomurindi inogona kukubatsira kuwana mhinduro dzacho.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe