RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp21 nha. 3 pp. 6-8
  • Dzidzo Uye Mari Zvinoita Kuti Uve Neramangwana Rakanaka Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Dzidzo Uye Mari Zvinoita Kuti Uve Neramangwana Rakanaka Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2021
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ZVINOSARUDZWA NEVAKAWANDA
  • ZVINOGUMA NEI?
  • Vabereki—Munoda Kuti Vana Venyu Vave Neramangwana Rakaita Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Kutsvaka—Upenyu Hwakachengeteka
    Mukai!—1998
  • Munhu Wese Anoda Ramangwana Rakanaka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2021
  • Zvaungaita Kuti Uve Neramangwana Rakanaka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2021
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2021
wp21 nha. 3 pp. 6-8
Vasikana vaviri vari payunivhesiti.

Dzidzo Uye Mari Zvinoita Kuti Uve Neramangwana Rakanaka Here?

Vakawanda vanofunga kuti vaya vakadzidza uye vane mari, vane ramangwana rakanaka. Vanofunga kuti kana munhu akaenda kuyunivhesiti zvichamubatsira kuti ashande nesimba pabasa, ave nemhuri inofara uyewo agarisane nevamwe zvakanaka. Vanofungawo kuti kana munhu akadzidza, zvichamubatsira kuti ave nebasa rinobhadhara uye kuti vaya vane mari yakawanda vachava nemufaro.

ZVINOSARUDZWA NEVAKAWANDA

Inzwa zvakataurwa nemumwe murume anonzi Zhang Chen wekuChina. Akati: “Ndaifunga kuti ndaifanira kuenda kuyunivhesiti kuti ndive neupenyu huri nani uye kuti basa rinobhadhara raizoita kuti ndifare uye ndive neupenyu hunogutsa.”

Kuti vazova neramangwana rakanaka, vamwe vanoita zvese zvavanogona kuti vaende kumayunivhesiti akakurumbira, zvimwe mune dzimwe nyika. Izvi ndizvo zvaiitwa nevakawanda chirwere cheCOVID-19 chisati chatanga, icho chakaita kuti zviomere vanhu kufamba vachienda kune dzimwe nyika. Imwe ongororo yakaitwa nesangano rinonzi Organisation for Economic Co-operation and Development muna 2012 yakati: “Inopfuura hafu yevanhu vakaenda kuzvikoro kunze kwenyika, vanhu vakabva kuAsia.”

Vabereki vanowanzoita zvese zvavanogona kuti vana vavo vaende kuyunivhesiti mune imwe nyika. Mumwe murume wekuTaiwan anonzi Qixiang akati: “Vabereki vangu vaisava nemari yakawanda, asi vakaita kuti tese tiri 4 tiende kuyunivhesiti kuUnited States.” Kuti vakwanise kubhadhara mari inodiwa kuyunivhesiti, vabereki vaQixiang nevamwewo vabereki vakawanda vaitofanira kutora zvikwereti.

ZVINOGUMA NEI?

Musikana akagara pakombiyuta uye ari kuratidza kuti aneta uye ane zviri kumunetsa.

Vakawanda vanotsvaga dzidzo yepamusoro uyewo mari, vanopedzisira vaodzwa mwoyo

Dzidzo ine zvimwe zvainogona kubatsira munhu muupenyu, asi kakawanda kacho haiiti kuti uwane zvaunenge uchishuvira. Semuenzaniso, vakawanda vakaita makore vachishanda nesimba uye vachikwereta mari yekuti vaende kuchikoro, asi havasi kuwana mabasa avaishuvira. Mumwe munyori anonzi Rachel Mui, akanyora mupepanhau rekuSingapore rinonzi Business Times kuti: “Vanhu vakawanda vakaenda kuyunivhesiti vari kushaya mabasa.” Mumwe murume ane madhigirii akawanda anonzi Jianjie anogara kuTaiwan, akati: “Vanhu vakawanda vava kutoita mabasa asinei nezvavakanodzidza kuchikoro.”

Vaya vanokwanisa kuwana mabasa anoenderana nezvavakadzidza kuchikoro, vanogona kuona kuti upenyu hwavo hausi kuenderana nezvavaishuvira. Pashure pekunge adzoka kubva kuyunivhesiti iri kuUnited Kingdom, mumwe murume anonzi Niran wekuThailand akawana basa rinoenderana nezvaakadzidza kuchikoro. Akati: “Sezvandaifunga, dhigirii randakaita rakandibatsira kuti ndiwane basa rinobhadhara. Asi izvozvo zvaireva kuti ndaiva nebasa rakawanda uyewo ndaifanira kushanda kwemaawa akawanda. Pava paya kambani yandaishandira yakadzinga vamwe vashandi uye ini ndakabva ndadzingwawo. Ndakaona kuti hakuna basa rinogona kuita kuti uve neramangwana rakanaka.”

Kunyange zvazvo vanhu vane mari yakawanda vachiita sevakachengeteka, vanewo matambudziko mumhuri, vanorwara uyewo vanogara vachingofunga nezvemari. Mumwe murume wekuJapan anonzi Katsutoshi akati: “Ndaiva nemari yakawanda asi ndaisafara nekuti vanhu vaigara vachida kuita zvemakwikwi neni, vachindiitira shanje uyewo vachindibata zvisina kunaka.” Mumwe mukadzi wekuVietnam anonzi Lam anoti: “Ndinoona vanhu vakawanda vanotsvaga mabasa anobhadhara vachifunga kuti achaita kuti vasanetseke nezvemari asi chokwadi ndechekuti mabasa iwayo anotoita kuti vawedzere kunetseka, varware uyewo vazvidye mwoyo.”

NEI DZIDZO UYE MARI CHETE ZVISINGAITI KUTI UVE NERAMANGWANA RAKANAKA?

Ichokwadi kuti munhu anoda dzidzo uyewo mari kuti agone kuzviriritira uyewo ariritire mhuri yake. Asi handizvo zvega zvinodiwa kuti uve neramangwana rakanaka. Nei tichidaro? Inzwa zvinotaurwa neBhaibheri.

DZIDZO YEPAMUSORO HAIWANZOITI KUTI MUNHU ABUDIRIRE.

“Vanomhanya chaizvo havasi ivo vanowanzokunda panhangemutange, . . . vakangwara havasi ivo vanowanzova nepfuma, uye vaya vane ruzivo havasi ivo vanowanzobudirira, nekuti vese vanosangana nezvinhu zvavasingatarisiri panguva yavasingafungiri.”—MUPARIDZI 9:11.

Kunyange kana munhu akava nedzidzo yepamusoro, anogona kutadza kubudirira muupenyu nemhaka yezvimwe zvinhu zvakawanda zvaasingagoni kuchinja. Pasinei nekuti munhu akadzidza zvakadini, kana upfumi uye zvematongerwo enyika zvisina kugadzikana munyika uyewo paine rusarura munhu iyeye anogona kutadza kubudirira.

UPFUMI HUNOGONA KUPARARA.

“Usazvifondotsa kuti uwane pfuma. Mira uratidze kuti unonzwisisa. Paunokanda maziso ako pairi, inenge isisipo, nekuti chokwadi ichamera mapapiro segondo yobhururuka mudenga.”—ZVIREVO 23:4, 5.

Mari inogona kuita kuti munhu anzwe akachengeteka asi inogona kumera mapapiro. Kusagadzikana mune zveupfumi kunogona kuita kuti umuke warasikirwa nemari yawanga wakachengeta. Njodzi dzinongoitika dzega dzakadai sekudengenyeka kwenyika, moto uyewo mafashamo, zvinogona kusiya munhu asisina mari kana pekugara.

MARI INOWANZOMUTSA MAMWE MATAMBUDZIKO.

“Zvinhu zvizhinji zvemupfumi zvinomutadzisa kurara.”—MUPARIDZI 5:12.

Franklin uyo anogara kuHong Kong akanyatsozvionera kuti mashoko aya ndeechokwadi. Aiva nedzidzo yepamusoro uyewo basa rinobhadhara, achibva azokwidziridzwa kuti ave maneja. Akati: “Ndakatanga kunetseka zvekuti zvakanga zvava kukanganisa utano hwangu uye ndakanga ndava kutadza kurara.” Akazosvika pekuti akanga asisazvikwanisi. Franklin anoti: “Ndakatanga kufunga kuti chandinozviurayira chii, uye zvakaita kuti ndifunge nezvechinangwa cheupenyu.”

“Usazvifondotsa kuti uwane pfuma.”—ZVIREVO 23:4

SaFranklin, vakawanda vakaona kuti panewo zvimwe zvinokosha kupfuura kuva nedzidzo yepamusoro, uyewo mari yakawanda. Pane kungoraramira kutsvaga zvinhu, vamwe vanofunga kuti kuva munhu akanaka uchibatsirawo vamwe kunoita kuti uve neramangwana rakanaka. Kuita zvinhu izvi kunoita kuti munhu ave neramangwana rakanaka here? Nyaya inotevera ichapindura mubvunzo iwoyo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe