RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w21 February p. 25
  • Zvese Zvakabva Pakunyemwerera!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvese Zvakabva Pakunyemwerera!
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
  • Mashoko Akafanana
  • Kurangarira Musiki Wedu Kubvira Pauduku
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Mabasa Akawanda Avanaamai
    Mukai!—2002
  • Zvibereko Zvekuparidza Nezvingoro Pasi Rese
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2018
  • VaKristu Vechokwadi Vanozivikanwa Nerudo—Ita Kuti Ungano Irambe Yakabatana
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2018
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
w21 February p. 25

Zvese Zvakabva Pakunyemwerera!

Helen achinyemwerera ari pedyo nechingoro chemabhuku. Vakadzi vaviri vari kupfuura.

Vamwe vakadzi vaviri vechidiki vaifamba muguta reBaguio, kuPhilippines. Vakaona chingoro chemabhuku, asi havana kuenda pachaiva. Imwe hanzvadzi inonzi Helen, iyo yainge yakamira pedyo nechingoro chacho yakatarisa vakadzi ivavo ichinyemwerera chaizvo. Vakadzi vacho vakaramba vachienda, asi vakafarira kunyemwerera kwakaitwa naHelen.

Vakadzi vaya pavaiva mubhazi vava kudzokera kumba, vakaona chikwangwani chejw.org paImba yeUmambo. Zvavakaona pachikwangwani ichi zvakavayeuchidza mashoko avanga vamboona pachingoro chemabhuku. Vakabva vaburuka mubhazi ndokunotarisa papurogiramu yemisangano yainge yakaiswa pagedhi repaImba yeUmambo.

Vakadzi vaviri vacho vachinyemwerera pavanoona Helen paImba yeUmambo.

Vakadzi vacho vakabva vapinda musangano wakatevera. Vachingopinda muImba yeUmambo vakashamiswa kuona Helen! Vakabva vangomuziva nekunyemwerera kwake. Helen anoti: “Pavaifamba vachiuya kwandiri, ndakamboita kakutya. Ndakafunga kuti zvimwe pane zvandakanganisa.” Asi vakadzi vacho vakabva vaudza Helen zvakanga zvaitika.

Vakanakidzwa nemisangano, uye vakanzwa vakasununguka kuva pamwe chete nehama nehanzvadzi. Pavakaona vamwe vachichenesa muImba yeUmambo misangano yapera, vakakumbira kubatsirawo. Mumwe mukadzi wacho haachagari muPhilippines, asi mumwe wacho akatanga kupinda misangano uye kudzidza Bhaibheri. Zvese izvi zvakabva pakunyemwerera!

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe