RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w21 June p. 31
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
  • Mashoko Akafanana
  • Chinorehwa Nomutemo waMosesi Kwauri
    Vakabatana Mukunamatwa kwaMwari Wechokwadi Bedzi
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Mutemo waKristu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Teerera Mhinduro Dzemibvunzo Iyi
    Purogiramu Yegungano Redunhu ya2017-2018—Nemumiririri Webazi
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
w21 June p. 31

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Muapostora Pauro airevei paakati: “Pachishandiswa mutemo ndakafa kumutemo”?—VaG. 2:19.

Muapostora Pauro.

Pauro akanyora kuti: “Pachishandiswa mutemo ndakafa kumutemo, kuti ndive mupenyu kuna Mwari.”—VaG. 2:19.

Zvakanyorwa naPauro zvaienderana nenyaya inokosha chaizvo yaaitaura kuungano dzaiva mupurovhinzi yeRoma yainzi Garatiya. Vamwe vaKristu veko vaikanganiswa nevadzidzisi venhema. Varume ivava vaidzidzisa kuti kana munhu achida kuwana ruponeso aifanira kuteerera zvinotaurwa muMutemo waMozisi, kunyanya panyaya yekuchecheudzwa. Asi Pauro aiziva kuti Mwari akanga asisarayiri vatendi kuti vachecheudzwe. Akakurukura navo achinyatsoratidza kuti idzodzo dzaiva dzidziso dzenhema, uye akasimbisa kutenda kwehama muchibayiro cherudzikinuro chaJesu Kristu.—VaG. 2:4; 5:2.

Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti munhu paanofa, anenge asisina chaanoziva kana kuti anenge asisabatsirwi kana kukanganiswa nezvese zvinenge zvichiitika. (Mup. 9:5) Pauro paakati: “Ndakafa kumutemo,” aireva kuti Mutemo waMozisi wakanga usisashandi paari. Asi aiva nechokwadi chekuti kutenda kwaaiita muchibayiro cherudzikinuro, ndiko kwakaita kuti “ave mupenyu kuna Mwari.”

Kuchinja ikoko kwakaitika kuna Pauro kwakavapo pachishandiswa “mutemo.” Izvi zvakaitika sei? Akanga achangobva kutsanangura kuti “munhu haanzi akarurama, nemabasa emutemo, asi nekutenda muna Kristu Jesu chete.” (VaG. 2:16) Chokwadi ndechekuti, Mutemo wakanga waita basa rinokosha. Pauro akatsanangurira vaGaratiya kuti: “Wakawedzerwa kuti zvitadzo zviiswe pachena, kusvikira mwana asvika, uyo akanga aitirwa vimbiso yacho.” (VaG. 3:19) Mutemo wakabudisa pachena kuti vanhu vane chivi havakwanisi kunyatsochengeta Mutemo uye kuti paidiwa chibayiro chakakwana. Saka Mutemo wakasvitsa vanhu kune “mwana,” kureva Kristu. Kana munhu akatenda muna Jesu Kristu, Mwari anogona kumuti akarurama. (VaG. 3:24) Pauro akasvika pakunzi akarurama nekuti Mutemo wakamubatsira kuti abvume Jesu uye ave nekutenda maari. Saka Pauro akabva “afa kumutemo” ndokuva “mupenyu kuna Mwari.” Akanga asisiri pasi peMutemo, asi pasi paMwari.

Pauro akataura pfungwa yakafanana naiyoyi mutsamba yaakanyorera vaRoma. Akati, “Hama dzangu, imiwo makaitwa vakafa kuMutemo nemuviri waKristu . . . Takasunungurwa paMutemo, nekuti takafa pane chaitidzora.” (VaR. 7:4, 6) Parugwaro urwu uye pana VaGaratiya 2:19 panoratidza kuti Pauro akanga asiri kutaura nezvekufa semutadzi ari pasi peMutemo. Asi akanga achitaura nezvekusunungurwa. Iye nevamwe vaKristu vakaita saiye vakanga vasisiri pasi peMutemo. Vakanga vasunungurwa nekutenda murudzikinuro rwaKristu.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe