RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w21 October pp. 29-31
  • 1921—Makore 100 Apfuura

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • 1921—Makore 100 Apfuura
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • VAPARIDZI VANE USHINGI
  • KUDZIDZA MUNHU ARI EGA UYE SEMHURI
  • BHUKU IDZVA!
  • BASA RAIVA MBERI
  • Kuita Zvaunoudzwa naJehovha Kunounza Makomborero
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
  • 1922—Makore 100 Apfuura
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • Kusarudza Zvinoita Kuti Ufare
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Kuparidza Pachena Napaimba Neimba
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
w21 October pp. 29-31

1921—Makore 100 Apfuura

NHARIREYOMURINDI yaJanuary 1, 1921, yakabvunza Vadzidzi veBhaibheri mubvunzo wekuti: “Ibasa ripi ratiri kutarisira kuita gore rino?” Yakapindura mubvunzo uyu ichishandisa Isaya 61:1, 2, iyo yakavayeuchidza nezvebasa ravo rekuparidza mashoko akanaka. Vhesi yacho inoti: “Jehovha wakandizodza kuti ndiparidzire vanyoro mashoko akanaka . . . , kuti ndiparidze gore rengoni dzaJehovha, nezuva rokutsiva raMwari wedu.”

VAPARIDZI VANE USHINGI

Kuti vakwanise kuita basa ravo rekuparidza, Vadzidzi veBhaibheri vaifanira kuva neushingi. Vaifanira kuzivisa “mashoko akanaka” kuvanyoro uyewo ‘zuva rekutsiva’ vakaipa.

Hama J. H. Hoskin, avo vaigara kuCanada, vakaparidza neushingi pasinei nekupikiswa mugore iroro. Rimwe zuva vakasangana nemufundisi weMethodist. Hama Hoskin vakatanga kutaura naye vachiti: “Tinofanira kutaura zviri muBhaibheri tichibvumirana, uye kunyange tikasabvumirana pane zvimwe zvinhu, tinofanira kuparadzana zvine rugare uye tichiwirirana.” Asi izvozvo handizvo zvakaitika. Hama Hoskin vakati: “Tainge tangotaura kwemaminitsi mashoma [mufundisi wacho] paakarovera dhoo zvine simba zvekuti ndakafunga kuti girazi repadhoo racho richadonha.”

Mufundisi wacho akashevedzera kuti, “Munodii kuenda kunotaura nemahedheni uko?” Hama Hoskin havana zvavakataura, asi pavaibvapo, vakati nechemumwoyo, ‘Ndaona sekuti ndanga ndichitotaura nemumwe wavo!’

Mufundisi wacho paakazopa mharidzo yake mangwana acho, akataura zvakaipa nezvaHama Hoskin. “Akaudza vanhu vake kuti pavanhu vese vanonyepa vari mutaundi rino, hapana aindipfuura uye ndaifanira kuurayiwa,” vakadaro Hama Hoskin. Asi vakaramba vachiparidza uye vachitaura nevanhu vakawanda. Vakati: “Ndainakidzwa chaizvo nekuparidza munzvimbo iyoyo. Pane vamwe vanhu vaitotaura kuti, ‘Ndinoziva kuti uri munhu waMwari!’ uye vaitondibvunza kana ndaiva nezvinhu zvandaida kubatsirwa nazvo kuitira kuti ndisava nechandinoshayiwa.”

KUDZIDZA MUNHU ARI EGA UYE SEMHURI

Kuti vabatsire vanhu vaifarira kuti vafambire mberi, Vadzidzi veBhaibheri vakabudisa mapurogiramu ekudzidza Bhaibheri muThe Golden Age.a Paiva nemibvunzo yeBhaibheri yevana vadiki yaishandiswa nevabereki pakukurukura nevana vavo. Vabereki “vaibvunza vana vavo mibvunzo iyi vovabatsira kuwana mhinduro dzacho muBhaibheri.” Mibvunzo yakadai sekuti, “MuBhaibheri mune mabhuku mangani?,” yaidzidzisa zvinhu zviri nyore nezveBhaibheri. Mimwe mibvunzo yakadai seyekuti, “MuKristu wese wechokwadi anofanira kutarisira kuti achatambudzwa here?,” yaibatsira vechidiki kuti vasatya kuparidza.

Paivawo nemibvunzo yeBhaibheri nemhinduro dzacho kuitira vaya vaiva neruzivo rwakawanda rweBhaibheri. Mhinduro dzacho dzaiwanika mubhuku rekutanga reStudies in the Scriptures. Zviuru zvevanhu zvakabatsirwa nezvirongwa izvi, asi The Golden Age yaDecember 21, 1921, yakazivisa kuti zvirongwa zviviri izvi zvaizomiswa. Izvi zvakaitirwei?

BHUKU IDZVA!

Bhuku rinonzi The Harp of God

Kadhi raiudza munhu paaifanira kuverenga

Makadhi aiva nemibvunzo

Hama dzaitungamirira dzakaona kuti vadzidzi vatsva veBhaibheri vaifanira kudzidza chokwadi nenzira yakarongeka. Saka pakabudiswa bhuku rinonzi The Harp of God muna November 1921. Vanhu vanofarira vakagamuchira bhuku racho vakatangawo kurishandisa pakudzidza Bhaibheri. Kosi iyi yekuti munhu anodzidza Bhaibheri ari ega yakabatsira vanhu kuti vanzwisise “chinangwa chaMwari chekupa vanhu upenyu husingaperi.” Kosi yacho yaiitwa sei?

Munhu paaigamuchira bhuku racho, aibva apiwawo kakadhi kaimuudza mapeji aaifanira kuverenga mubhuku racho. Vhiki raitevera racho, munhu aiwana kadhi raiva nemibvunzo ine chekuita nezvaainge averenga. Mashoko ekupedzisira aiva pakadhi racho airatidza paifanira kuverengwa muvhiki rinotevera.

Vhiki rega rega kwemavhiki 12, mudzidzi aiwana kadhi idzva raitumirwa neungano yaiva pedyo. Kakawanda kacho makadhi aya aitumirwa nehama nehanzvadzi dzemuungano dzainge dzakwegura kana kuti dzaisakwanisa kuenda paimba neimba. Semuenzaniso, Anna K. Gardner, uyo aibva kuMillvale, Pennsylvania, U.S.A., akati: “Bhuku rinonzi The Harp of God parakabudiswa, rakaita kuti sisi vangu Thayle, avo vaisagona kufamba, vawane basa rakawanda rekuita. Vhiki rega rega vaitumira vanhu makadhi aiva nemibvunzo.” Mudzidzi paaipedza kosi yacho, aizoshanyirwa kuti adzidziswe zvimwe zvine chekuita neBhaibheri.

Thayle Gardner akagara pawiricheya

BASA RAIVA MBERI

Pakupera kwegore racho, Hama J. F. Rutherford vakatumira tsamba kuungano dzese. Vakataura kuti “kuparidza Umambo kwaitwa gore rino kwakakura uye kwabatsira vanhu vakawanda kupfuura zvaiitwa mumakore adarika.” Vakabva vawedzera kuti: “Pachine basa guru rinofanira kuitwa. Kurudzirai vamwe kuti vaite basa iri rakazonaka.” Zviri pachena kuti Vadzidzi veBhaibheri vakateerera zano iri. Muna 1922 vakava neushingi hwekuparidza nezveUmambo kupfuura zvavakanga vamboita.

Shamwari Dzine Ushingi

Vadzidzi veBhaibheri vakaratidza kuti vaida hama nehanzvadzi dzavo nekubatsirana. Vaiva shamwari dzine ushingi ‘dzakaberekerwa kubatsira panguva yekutambudzika,’ sezvinoratidzwa munyaya inotevera.—Zvir. 17:17.

Musi weChipiri, 31 May, 1921, mumwe murume wechitema wekuTulsa, Oklahoma, U.S.A., akasungwa uye akapiwa mhosva pashure pekunge arwisa mumwe mukadzi wechichena. Mhomho yevanhu vechichena vanopfuura 1 000 payakatanga kurwisana nekapoka kadiki kevanhu vatema, kurwisana kwacho kwakakurumidza kupararira kuvanhu vechitema vaigara muGreenwood, zvikaita kuti dzimba nemabhizinesi zvinopfuura 1 400 zvitange kupazwa, zvinhu zvichibiwa, zvivakwa zvichipiswa. Zvinonzi pakafa vanhu 36, asi nhamba yevanhu vacho inogona kunge yaitosvika kuma100. Mhirizhonga iyi yakazopiwa zita rekuti Tulsa Race Masacre.

Hama Richard J. Hill, avo vaiva Mudzidzi weBhaibheri wechitema uye vachigara muGreenwood, vanorondedzera zvakaitika vachiti: “Usiku hwakatanga mhirizhonga, takaita musangano wedu weungano sezvataigara tichiita. Patakanga tapedza, takanzwa pfuti dzichirira nechepakati peguta reTulsa. Takaenda kunorara tichingodzinzwa.” Chitatu mangwanani, June 1, zvinhu zvakanga zvatowedzera kushata. “Vamwe vanhu vakauya vakataura kuti kana tichida kupona, tinofanira kuenda kuchivakwa chihombe chehurumende chiri muguta.” Saka Hama Hill nemudzimai wavo nevana 5 vakabva vaenda ikoko. Kwaiva nevarume nevakadzi vechitema vangasvika 3 000 vaichengetedzwa nemasoja ainge atumwa nehurumende kuzomisa kurwisana kwacho.

Panenge panguva imwe chete iyoyo, Hama Arthur Claus, avo vaiva vechichena, vane zvavakaita zvakaratidza ushingi. “Pandakanzwa kuti vanhu vaiita mhirizhonga vakanga vapinda muGreenwood, vachiba zvinhu nekupisa dzimba, ndakafunga kunoona kuti shamwari yangu Hama Hill iri sei.”

Arthur Clause aidzidzisa vana 14 nezveBhaibheri achishandisa bhuku rinonzi The Harp of God

Pavakasvika pamba paHama Hill vakabva vaona muvakidzani waHama Hill wechichena akabata pfuti. Muvakidzani wacho, uyo aivawo shamwari yaHama Hill akafunga kuti Arthur aiva mumwe wevanhu vaikonzera mhirizhonga. Akashevedzera kuti, “Uri kutsvagei ipapo?”

Arthur anoti, “Kudai ndisina kumupa mhinduro yaimugutsa, angadai akandipfura. Ndakamuudza kuti ndaiva shamwari yaHama Hill uye kuti ndaiuya pamba pavo kakawanda.” Arthur nemuvakidzani uyu vakakwanisa kuchengetedza pamba paHama Hill kuti pasabiwa.

Pasina nguva, Arthur akaziva kuti Hama Hill nemhuri yavo vakanga vaenda kuchivakwa chihombe chehurumende. Arthur akaudzwa kuti vanhu vechitema vaisakwanisa kubva ipapo vasina tsamba yakasainwa nemukuru wemasoja uyo ainzi Barrett. Arthur akati: “Zvakanga zvisiri nyore kuti ukwanise kutaura nemukuru wemasoja. Pandakamuudza zvandainge ndaronga, akandibvunza kuti: ‘Unokwanisa kuchengeta mhuri iyi here?’ Ndakamuudza ndichifara kuti Ehe ndinokwanisa.”

Aine tsamba yacho, Arthur akamhanyira kuchivakwa chaichengeterwa vanhu. Akaipa mumwe musoja uyo akati: “Iyi yasainwa nemukuru mukuru! Unoziva here kuti ndiwe wekutanga kutora mumwe munhu achibva pano nhasi?” Pasina nguva, Arthur akawana Hama Hill nemhuri yavo. Vese vakabva vapinda mumota yaArthur ndokuenda kumba.

“Hapana aizviona seari nani pane vamwe”

Hama Claus vakava nechokwadi chekuti Hama Hill nemhuri yavo vakachengeteka. Vamwe vanhu vakabayiwa mwoyo pavakaona kuti Hama Claus vaiva neushingi uye kuti vaida hama dzavo. Arthur akati: “Muvakidzani akabatsira pakuchengetedza musha waHama Hill akawedzera kuremekedza Zvapupu zvaJehovha. Uye vanhu vakawanda vakatanga kufarira chokwadi nekuti vaiona kuti vanhu vaMwari vaisaparadzaniswa neruvara rweganda, uye kuti hapana aizviona seari nani pane vamwe.”

a The Golden Age yakazonzi Consolation muna 1937 uye Awake! muna 1946.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe