RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w22 June p. 29
  • Waizviziva Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Waizviziva Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • Mashoko Akafanana
  • ‘Chokwadi Ishe Akamutswa!’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Muguva Hamuna Munhu, Jesu Mupenyu!
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Waizviziva Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Jesu Mupenyu!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
w22 June p. 29

Waizviziva Here?

VaRoma vaibvumira here kuti munhu wavainge vauraya padanda sezvavakaita Jesu avigwe zvakanaka?

Vadzidzi vaJesu vachibvisa mutumbi wake padanda rekutambudzirwa vouputira nejira.

VAKAWANDA vanoziva nezvenyaya yaJesu yekuturikwa padanda pakati pemakororo maviri ndokuurayiwa. (Mat. 27:35-38) Asi vamwe vanhu vanoti Bhaibheri haritauri chokwadi parinoti muviri waJesu wakazogadzirirwa kuvigwa ndokuiswa muguva.—Mako 15:42-46.

Vamwe vanhu vanopikisa mabhuku eEvhangeri vanoti havana chokwadi kuti munhu ainge aurayiwa nekuti ane mhosva aizovigwa zvakanaka munzvimbo yakadai seguva. Asi vanoti vanhu ava vaiurayiwa semakororo vanofanira kunge vaisavigwa zvakanaka. Achitaura kuti nei vamwe vanhu vaine maonero akadaro, mutori wenhau anonzi Ariel Sabar, akanyora mumagazini yeSmithsonian kuti: “Kurovererwa pamuchinjikwa chaiva chirango chaiitirwa vanhu vasina zvavanobatsira, uye dzimwe nyanzvi dzakaseka pfungwa yekuti vaRoma vaizoita kuti vanhu vakadaro vavigwe zvakanaka.” VaRoma vaida kuti vanhu vanenge vanzi vane mhosva vanyadziswe kusvika pekupedzisira, saka mitumbi yacho yaiwanzosiyiwa padanda kuti idyiwe nezvikara. Zvisaririra zvacho zvaizongokandwa muguva raiiswa vanhu vakawanda.

Asi vanochera matongo vakawana chimwe chinhu chakasiyana naizvozvo chine chekuita nemapfupa evamwe vaJudha vakanga vaurayiwa. Muna 1968, mapfupa emumwe murume anogona kunge akaurayiwa panguva yaJesu akawanikwa. Akawanikwa pedyo neJerusarema mune rimwe guva rakaita seraiva remhuri yechiJudha. Mapfupa aya aiva mukabhokisi kaichengeterwa mapfupa. Pamapfupa acho paivawo nepfupa repachitsitsinho. Pfupa racho rainge rakarovererwa papuranga nechipikiri chakareba masendimita 11.5. Sabar anoti: “Chitsitsinho chacho icho chaiva chemurume ainzi Yehochanan chakapa uchapupu hunoratidza kuti nei nyaya iri muEvhangeri yekuvigwa kwaJesu muguva ichigona kunge iri yechokwadi.” Saka “chitsitsinho chaYehochanan chinoratidza kuti pane mumwe murume akarovererwa pamuchinjikwa mumazuva aJesu uyo akabvumirwa nevaRoma kuti avigwe pachitevedzerwa tsika dzechiJudha.”

Vanhu vanogona kutaura zvakasiyana-siyana nezvemarovererwo akaitwa Jesu padanda vachizvitorera papfupa rechitsitsinho chaYehochanan. Asi zviri pachena ndezvekuti vamwe vanhu, avo vaiurayiwa nekuti vainge vapara mhosva, vaivigwa zvakanaka uye vaisangokandwa muguva raiiswa vanhu vakawanda. Saka zvinotaurwa neBhaibheri nezvekuvigwa zvakanaka kwemuviri waJesu muguva ndezvechokwadi. Uchapupu uhwu hunotsigira zvinotaurwa neBhaibheri.

Chinonyanya kukosha ndechekuti Jehovha akanga ataura kuti Jesu aizovigwa muguva remupfumi uye hapana anogona kutadzisa shoko raMwari kuti rizadzike.—Isa. 53:9; 55:11.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe