RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp23 nha. 1 pp. 6-7
  • 1 | Munyengetero—‘Kandai Zvese Zvinokudyai Mwoyo Paari’

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • 1 | Munyengetero—‘Kandai Zvese Zvinokudyai Mwoyo Paari’
  • TNharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2023
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvazvinoreva
  • Kubatsira Kwazvinoita
  • Kanda Kuzvidya Mwoyo Kwako Kwose Pana Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • Ndingaita Sei Kuti Ndisazvidya Mwoyo?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Kandira Funganyo Yako Yose Pana Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Bhaibheri Rinogona Kubatsira Varume Vanozvidya Mwoyo
    Dzimwe Nyaya
Ona Zvimwe
TNharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2023
wp23 nha. 1 pp. 6-7
Murume ari kushungurudzika akabata chipfuva chake achinyengetera.

1 | Munyengetero ‘Kandai Zvese Zvinokudyai Mwoyo Paari’

BHAIBHERI RINOTI: ‘Kandai zvese zvinokudyai mwoyo pana Mwari, nekuti iye ane hanya nemi.’—1 PETRO 5:7.

Zvazvinoreva

Jehovha Mwari anoda kuti timuudze zvese zvinotiremera. (Pisarema 55:22) Hapana dambudziko ringanzi rakanyanya kukura kana kuita diki zvekuti tingatadze kunyengetera nezvaro. Kana richikushungurudza, zvinotobata-batawo Jehovha nekuti anokuda. Kunyengetera kwaari kunobatsira chaizvo kuti uzokwanisa kuva nerugare rwepfungwa.—VaFiripi 4:6, 7.

Kubatsira Kwazvinoita

Patinonetseka mupfungwa, tinogona kunzwa setiri tega. Vamwe vanhu vangasanyatsonzwisisa kuti tinenge tichinzwa sei. (Zvirevo 14:10) Asi kana tikanyengetera kuna Mwari tichimuudza zviri kutsi kwemwoyo wedu, achanyatsotiteerera uye achatinzwisisa. Jehovha anotiona, anoziva zvinotirwadza, anoziva matambudziko edu uye anoda kuti tinyengetere kwaari nezvechinhu chero chipi zvacho chinotinetsa.—2 Makoronike 6:29, 30.

Kunyengetera kuna Jehovha kunoita kuti tiwedzere kuona kuti anotida. Tinosvika pakunzwa semunyori wepisarema uyo akati: “Makaona kutambudzika kwangu; munoziva zvinondinetsa mumwoyo mangu.” (Pisarema 31:7) Kungoziva kuti Jehovha anoona zvatiri kusangana nazvo kunotibatsira kutsungirira matambudziko. Asi haangogumiri pakuona zvinotinetsa. Anonzwisisawo zvatiri kusangana nazvo uye anotinyaradza nekutikurudzira achishandisa Bhaibheri. Hapana mumwe munhu anogona kuita izvi kumupfuura.

Bhaibheri Riri Kubatsira Sei Julian?

Dambudziko Rangu Rekushushikana

Julian.

“Ndinogara ndichishushikana uye ndine chirwere chinoita kuti nditadze kudzora pfungwa dzangu kana ndava kunetseka nechimwe chinhu. Chirwere chacho chinonzi obsessive-compulsive disorder (OCD). Ndinogona kungoerekana ndava kuzvidya mwoyo. Ndinogona kunge ndisina chiri kundinetsa, asi ndozongotanga kunetseka zvakanyanya pasina kana chikonzero. Ndinonyanya kunetseka kana ndiri pane vamwe vanhu. Ndinenge ndichingofunga kuti vari kundiona sei.

“Vaya vanoziva dambudziko rangu vanondibatsira chaizvo. Ndizvo hazvo kuti dzimwe nguva vanombotaura zvinhu zvisingandibatsiri. Asi ndinotenda chaizvo kuti vanoda kundibatsira.

“Nemhaka yekuti ndingogara ndichishushikana uye ndine chirwere cheOCD, dzimwe nguva ndinoomerwa nekunyengetera. Ndinotofanira kushanda nesimba kuti ndiise pfungwa pamwe chete pandinenge ndichinyengetera kuna Jehovha. Dzimwe nguva pfungwa dzangu dzinomhanya dzichifunga zvinhu zvakawanda panguva imwe chete zvekuti ndinobva ndavhiringidzika. Pandinotadza kudzora pfungwa dzangu, zvinondiomera kuziva kuti ndochiudza Jehovha kuti kudii.”

Kubatsirwa Kwandiri Kuitwa neBhaibheri

“Kubva pakudzidza kwandakaita Bhaibheri, ndakaona kuti minyengetero haifaniri hayo kunge yakareba kana kuti ichitsetsenurwa kuti Mwari aigamuchire. Dzimwe nguva pandinotadza kutaura zvandinenge ndichinzwa, ndinongonyengetera kuti: ‘Jehovha, ndibatsireiwo.’ Kunyange ndisina kutaura zvakawanda, ndinobva ndatoona kuti Jehovha ari kundinzwisisa. Anobva andipawo rubatsiro rwandinenge ndichida panguva yacho. Ndakatsvagawo rubatsiro kuna vanachiremba. Ndinofara kuti kunyengetera uye kubatsirwa navanachiremba kuri kuita kuti ndinzwe zviri nani. Kunyange zvazvo zvichindiomera kunyengetera kuna Baba vangu vekudenga ndichikumbira kubatsirwa, ndinoramba ndichinyengetera nekuti ndinoziva kuti vanondida uye vanoda kundibatsira.”

Zvingabatsira Vechidiki

Vhidhiyo inonzi “Iva Shamwari yaJehovha—Nyengetera Chero Nguva.”

Enda pawebsite yedu inonzi jw.org, kuti udzidze kuti nei uchigona kuva nechokwadi chekuti Jehovha anonzwa uye anopindura minyengetero.

Ona vhidhiyo inonzi Iva Shamwari yaJehovha—Nyengetera Chero Nguva.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe