RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp23 nha. 1 pp. 8-9
  • 2 | Kunyaradzwa neBhaibheri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • 2 | Kunyaradzwa neBhaibheri
  • TNharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2023
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvazvinoreva
  • Kubatsira Kwazvinoita
  • Kubatsira Vechidiki Vane Chirwere cheDepression
    Mukai!—2017
  • Mirangariro Yakashata—Inogona Sei Kukurirwa?
    Mukai!—1992
  • Ungakurira Sei Dambudziko Rokunzwa Usina Zvaunobatsira?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Mirangariro Yakashata—Unogona Kuikurira Here?
    Mukai!—1992
Ona Zvimwe
TNharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2023
wp23 nha. 1 pp. 8-9
Murume ari kufungisisa zvaari kuverenga muBhaibheri.

2 | Kunyaradzwa neBhaibheri

BHAIBHERI RINOTI: “Zvinhu zvese zvakanyorwa kare zvakanyorerwa kuti tirayiridzwe, kuti tive netariro inobva pakutsungirira kwedu uye pakunyaradza kunobva muMagwaro.”—VAROMA 15:4.

Zvazvinoreva

Bhaibheri rine mashoko anonyaradza uye anotisimbisa patinenge tichifunga zvinhu zvisingakurudziri. Rinotipawo tariro yekuti munguva pfupi iri kuuya, tichange tisisashushikane.

Kubatsira Kwazvinoita

Tese tinomboshushikanawo dzimwe nguva; asi vanhu vane chirwere chedepression vanogona kugara vachingoshushikana mazuva ese. Bhaibheri ringavabatsira sei?

  • Bhaibheri rine mashoko akawanda anokurudzira atinogona kugara tichifunga pane kungofunga zvinhu zvinoodza mwoyo. (VaFiripi 4:8) Rinotibatsira kuti tigare tichifunga zvinhu zvinonyaradza uye zvinozorodza izvo zvinotibatsira kudzora pfungwa dzedu.—Pisarema 94:18, 19.

  • Bhaibheri rinotibatsira kuti tisafunga kuti hatikoshi.—Ruka 12:6, 7.

  • Pane mavhesi eBhaibheri akawanda anotibatsira kuona kuti hatisi tega uye kuti Mwari, Musiki wedu, anonyatsonzwisisa manzwiro edu.—Pisarema 34:18; 1 Johani 3:19, 20.

  • Bhaibheri rinovimbisa kuti Mwari achabvisa ndangariro dzezvinhu zvinorwadza zvakaitika kwatiri. (Isaya 65:17; Zvakazarurwa 21:4) Patinenge tichishungurudzika, vimbiso iyi inogona kutipa simba rekutsungirira.

Bhaibheri Riri Kubatsira Sei Jessica?

Chirwere Changu cheDepression

Jessica abatwa nehope achiverenga Bhaibheri rake.

“Pandaiva nemakore 25, ndakashungurudzika zvekuti ndakanga ndisingachakwanisi kana kuita chinhu muupenyu uye ndakabva ndanzi ndine chirwere chedepression. Ndakatanga kunetseka nendangariro dzezvinhu zvinorwadza zvakamboitika kwandiri zvekuti ndaitadza kuzvibvisa mupfungwa dzangu. Vanachiremba vakandibatsira kuona kuti chirwere changu chedepression chaikonzerwa nekungogara ndichifunga zvinhu zvisina kunaka zvakaitika muupenyu hwangu. Ndakapiwa mushonga kwachiremba uye ndakanoonawo mumwe chiremba aindibatsira kuti ndigadzirise mafungiro angu.”

Kubatsirwa Kwandiri Kuitwa neBhaibheri

“Chirwere changu chedepression pachaikwidza, ndaivhunduka, ndainetseka zvisingaiti uye ndaitadza kurara. Kazhinji usiku, ndaizvidya mwoyo zvakanyanya zvekuti ndaishaya kuti ndoita sei. Sezvinotaurwa pana Pisarema 94:19, Mwari anogona kutinyaradza uye kutizorodza patinenge takawandirwa nezvinotidya mwoyo. Saka ndaigara ndakaisa Bhaibheri nekabhuku kaiva nemavhesi anokurudzira pedyo nemubhedha wangu. Pandaishaya hope, ndaiverenga mamwe mavhesi emuBhaibheri, ndobva ndanyaradzwa neShoko raMwari.

“Bhaibheri rinotikurudzira kuti tibvise pfungwa dzedu pazvinhu zvisingaenderani nezvatinoziva nezvaMwari. Kare, ndaifunga kuti handikoshi, hapana angandida uye handibatsiri. Asi ndakazoona kuti mafungiro iwayo haaenderani nezvinotaurwa neBhaibheri, iro rinoratidza kuti Mwari ndiBaba vane tsitsi uye vanotida semunhu mumwe nemumwe. Zvishoma nezvishoma, ndakadzidza kudzora pfungwa dzangu pane kuti ndiite zvadziri kuda. Ndakadzidza kuzviona semaonerwo andinoitwa naMwari. Izvi zvakandibatsira kuti ndisarambe ndichizviona sendisingabatsiri.

“Ndinotarisira kuzorarama panguva yekuti tinenge tisisanetseke nendangariro dzezvinhu zvinorwadza zvakaitika kare uye tisisazvione setisingabatsiri. Kuziva kuti zvirwere zvepfungwa zvichange zvisisiko kunondisimbisa uye kunondipa tariro yekuti ndichava neupenyu hwakanaka mune ramangwana pandinenge ndisisina chirwere chedepression.”

Kuti Unzwe Zvimwe Zvinobatsira:

Verenga nyaya yakanzi “Ndingaita Sei Kana Ndiine Depression?” iri pajw.org.

Teerera bhuku raMapisarema rakarekodhwa riri pawebsite yedu inonzi jw.org.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe