NYAYA YEKUDZIDZA 36
Takura Zvaunofanira Kutakura, Uye Bvisa Zvimwe Zvese
“Ngatibviseiwo zvinhu zvese zvinorema . . . , timhanye nekutsungirira nhangemutange yakaiswa pamberi pedu.”—VAH. 12:1.
RWIYO 33 Kanda Mutoro Wako Pana Jehovha
ZVICHADZIDZWAa
1. Maererano naVaHebheru 12:1, chii chatinofanira kuita kuitira kuti tisvike kumagumo enhangemutange yekuwana upenyu?
BHAIBHERI rinofananidza upenyu hwevaKristu nenhangemutange. Vaya vanomhanya kusvika pamugumo vanopiwa mubayiro weupenyu husingaperi. (2 Tim. 4:7, 8) Tinofanira kuita zvese zvatinogona kuti tirambe tichimhanya nekuti mugumo wenhangemutange yacho wava pedyo zvikuru. Muapostora Pauro uyo akapedza nhangemutange yake yeupenyu, akataura zvichatibatsira kuti tibudirire munhangemutange yacho. Akatirayira kuti ‘tibvise zvinhu zvese zvinorema timhanye nekutsungirira nhangemutange yakaiswa pamberi pedu.’—Verenga VaHebheru 12:1.
2. ‘Kubvisa zvinhu zvese zvinorema’ kunorevei?
2 Pauro paakanyora kuti tinofanira ‘kubvisa zvinhu zvese zvinorema,’ aireva here kuti muKristu haana mutoro waanofanira kutakura? Aiwa, hazvisirizvo zvaaireva. Asi aireva kuti tinofanira kubvisa zvinhu zvese zvinorema zvatisingafaniri kutakura. Zvinhu zvakadaro zvinogona kutitadzisa kumhanya uye zvinogona kuita kuti tinete. Kuti titsungirire, tinofanira kukurumidza kuziva chero chii zvacho chinorema chinogona kutitadzisa kumhanya tobva tachibvisa. Asi panguva imwe chete hatidi kubvisa mitoro yatinofanira kutakura. Kana tikabvisa mitoro iyoyo hatikwanisi kuramba tiri munhangemutange yacho. (2 Tim. 2:5) Mitoro ipi yatinofanira kutakura?
3. (a) Maererano naVaGaratiya 6:5, tinofanira kutakurei? (b) Tichakurukurei munyaya ino uye nei tichifanira kudaro?
3 Verenga VaGaratiya 6:5. Pauro anotaura nezvechimwe chinhu chatinofanira kutakura. Akanyora kuti, “mumwe nemumwe achatakura mutoro wake.” Pano Pauro aireva zvinhu zvatinofanira kuita pamberi paMwari, kureva zvinhu zvatinofanira kutakura isu pachedu. Munyaya ino tichakurukura kuti ‘mutoro wedu’ unosanganisirei uye kuti tingautakura sei. Tichazivawo zvinhu zvinorema zvisingakoshi zvatingangodaro takatakura uye tichadzidza kuti tingazvibvisa sei. Kutakura mutoro wedu uye kubvisa zvinhu zvinorema zvatisingafaniri kutakura kuchatibatsira kuti tipedze nhangemutange yekuwana upenyu.
MITORO YATINOFANIRA KUTAKURA
Kutakura mutoro wedu kunosanganisira kurarama maererano nemhiko yekuzvitsaurira kwedu kuna Jehovha, kuita zvatinofanira kuita mumhuri, uye kuzvidavirira pazvisarudzo zvedu (Ona ndima 4-9)
4. Nei mhiko yedu yekuzvitsaurira kuna Jehovha isingaremi? (Onawo mufananidzo.)
4 Mhiko yedu yekuzvitsaurira. Patakazvitsaurira kuna Jehovha takapika kuti tichamunamata uye tichaita kuda kwake. Tinofanira kuchengeta mhiko iyoyo. Kurarama maererano nemhiko yedu haisi nyaya yekutamba nayo, asi kuita izvozvo hakuremi. Izvi zvakadaro nekuti Jehovha akatisika kuti tiite kuda kwake. (Zvak. 4:11) Akatisika tiine chido chekumuziva uye kumunamata, uye akatisika nemufananidzo wake. Saka tinokwanisa kuswedera pedyo naye uye kuwana mufaro pakuita kuda kwake. (Pis. 40:8) Uyewo patinoita kuda kwaMwari totevera Mwanakomana wake, ‘tinowana zororo.’—Mat. 11:28-30.
(Ona ndima 4-5)
5. Chii chingakubatsira kuti uzadzise mhiko yako yekuzvitsaurira? (1 Johani 5:3)
5 Ungatakura sei mutoro wacho? Pane zvinhu zviviri zvinogona kukubatsira. Chekutanga, ramba uchisimbisa kuda kwaunoita Jehovha. Unogona kuita izvi nekufungisisa nezvezvinhu zvese zvakanaka zvaakakuitira uye makomborero aachakupa. Paunowedzera kuda Mwari, zvinowedzerawo kuva nyore kuti umuteerere. (Verenga 1 Johani 5:3.) Chechipiri, tevedzera Jesu. Akabudirira pakuita kuda kwaMwari nekuti ainyengetera kuna Jehovha kuti amubatsire uye airamba akaisa pfungwa pamubayiro wake. (VaH. 5:7; 12:2) Kufanana naJesu, nyengetera kuna Jehovha kuti akupe simba uye ramba uchifunga nezvetariro yeupenyu husingaperi. Paunowedzera kuda Mwari uye kutevedzera Mwanakomana wake, uchakwanisa kuzadzisa mhiko yako yekuzvitsaurira.
6. Nei tichifanira kuita zvinhu zvatinofanira kuita mumhuri? (Onawo mufananidzo.)
6 Zvinhu zvatinofanira kuita mumhuri. Munhangemutange yedu yekuwana upenyu, tinofanira kuda Jehovha naJesu kupfuura kuda kwatinoita veukama. (Mat. 10:37) Asi izvi hazvirevi kuti tinogona kuregeredza zvinhu zvatinofanira kuita mumhuri sekunge kuti zviri kutitadzisa kufadza Mwari naKristu. Pane kudaro, kuti tifadze Mwari naKristu tinofanira kuita zvatinofanira kuita mumhuri. (1 Tim. 5:4, 8) Patinodaro, tinowedzera kufara. Jehovha anoziva kuti mhuri dzinofara murume nemudzimai pavanodanana uye kuremekedzana, vabereki pavanoda vana vavo uye pavanovadzidzisa, uye vana pavanoteerera vabereki vavo.—VaEf. 5:33; 6:1, 4.
(Ona ndima 6-7)
7. Ungaita sei kuti ukwanise kuita zvaunotarisirwa mumhuri?
7 Ungatakura sei mutoro wacho? Ungava uri murume, mudzimai kana kuti mwana, vimba nemazano euchenjeri anowanika muBhaibheri pane kutevedzera manzwiro ako, tsika kana kuti zvinotaurwa nevaya vanonzi vanoziva. (Zvir. 24:3, 4) Shandisa zvakanaka mabhuku edu anotsanangura Bhaibheri. Mabhuku aya anotibatsira pakushandisa mazano eBhaibheri. Semuenzaniso, chikamu chenyaya chakanzi “Mazano Ekubatsira Mhuri” chine mashoko anobatsira murume nemudzimai, vabereki, uye vari kuyaruka pamatambudziko avanosangana nawo.b Iva nechido chekushandisa zvinotaurwa neBhaibheri kunyange vamwe vemumhuri vasingaiti izvozvo. Paunodaro, mhuri yenyu ichabatsirwa uye uchawana makomborero anobva kuna Jehovha.—1 Pet. 3:1, 2.
8. Zvisarudzo zvedu zvinogona kuguma nei muupenyu hwedu?
8 Kuzvidavirira pazvisarudzo zvedu. Jehovha akatipa chipo cherusununguko rwekusarudza uye anoda kuti tibatsirwe nekuita zvisarudzo zvakanaka. Asi kana tikaita zvisarudzo zvakaipa haatidziviriri kuti tisapinda muna taisireva. (VaG. 6:7, 8) Saka tinogamuchira zvinoguma zvaitika kana tikaita zvisarudzo zvisina kunaka uye tikataura kana tikaita zvinhu tisina kufunga. Zvichienderana nezvatinenge taita, tinogona kunetseka nehana ine mhosva. Asi kuziva kuti tinozvidavirira pazvisarudzo zvedu kunogona kuita kuti tireurure zvivi zvedu, tigadzirise zvatakakanganisa uye tisadzokorora zvatakatadza. Kuita izvozvo kunogona kutibatsira kuti tirambe tiri munhangemutange yekuwana upenyu.
(Ona ndima 8-9)
9. Chii chingakubatsira paunoita chisarudzo chisina kunaka? (Onawo mufananidzo.)
9 Ungatakura sei mutoro wacho? Kana wakaita chisarudzo chakaipa, chii chaungaita? Ziva kuti haukwanisi kuchinja zvinhu zvakatoitika. Usapedza nguva yako nesimba uchiedza kuratidza kuti zvawakaita zvakarurama kana kuedza kupa vamwe mhosva yekukanganisa kwawakaita. Pane kudaro, bvuma kuti wakakanganisa uye ita zvese zvaunogona iye zvino. Kana uchinzwa uine mhosva nezvekukanganisa kwawakaita, nyengetera kuna Jehovha uchizvininipisa, bvuma kuti wakatadza uye mukumbire ruregerero. (Pis. 25:11; 51:3, 4) Kumbira ruregerero kune vaya vaungangodaro wakarwadzisa uye kumbira kubatsirwa nevakuru kana uchifanira kudaro. (Jak. 5:14, 15) Dzidza pakukanganisa kwawakaita uye edza kusazvidzokorora. Paunodaro, unogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha achakunzwira tsitsi uye achakutsigira.—Pis. 103:8-13.
ZVINHU ZVINOREMA ZVATINOFANIRA ‘KUBVISA’
10. Nei kutarisira zvinhu zvisingaitiki uri mutoro unorema? (VaGaratiya 6:4)
10 Kutarisira zvinhu zvisingaitiki. Tinogona kuzviremedza nekutarisira zvinhu zvisingaitiki patinozvienzanisa nevamwe. (Verenga VaGaratiya 6:4.) Kana tikaramba tichizvienzanisa nevamwe, tinogona kuva neshanje uye tinogona kuva vanhu vanoda zvemakwikwi. (VaG. 5:26) Kana tikaedza kuita zviri kuitwa nevamwe asi isu tisingazvikwanisi, tinogona kuzvikuvadza. Uye kana ‘tichinetseka nekunonoka kunoita zvinhu zvatinenge tichitarisira,’ ko kuzoti kutarisira zvinhu zvisingambofi zvakaitika? (Zvir. 13:12) Kuita izvozvo kunogona kutipedza simba uye kutinetesa totadza kumhanya zvakanaka munhangemutange yekuwana upenyu.—Zvir. 24:10.
11. Chii chingakubatsira kuti usatarisira zvinhu zvisingaitiki?
11 Ungabvisa sei chinhu ichocho chinorema? Usatarisira kuti uite zvinhu zvinopfuura zvaunotarisirwa naJehovha kuti uite. Haambotarisiri kuti upe zvausina. (2 VaK. 8:12) Ziva kuti Jehovha haaenzanisi zvaunoita nezvinoitwa nevamwe. (Mat. 25:20-23) Anokoshesa basa raunomuitira nemwoyo wese, kutendeka kwako uye kutsungirira kwako. Bvuma kuti zvinhu zvinoti, zera, utano uye mamiriro ezvinhu zvingaita kuti usakwanisa kuita zvimwe zvinhu iye zvino. Kufanana naBhazirai, unogona kuramba dzimwe ropafadzo kana utano hwako nezera zvava kukutadzisa kuita zvimwe zvinhu. (2 Sam. 19:35, 36) Kufanana naMozisi, bvuma kubatsirwa uye ipa vamwe mabasa pazvinenge zvakakodzera. (Eks. 18:21, 22) Kuva nemwero kwakadaro, kuchaita kuti usatarisira kuti uite zvinhu zvausingakwanisi munhangemutange yekuwana upenyu.
12. Kana vamwe vakaita zvisarudzo zvisina kunaka inenge iri mhosva yedu here? Tsanangura.
12 Kunzwa uine mhosva yezvisarudzo zvisina kunaka zvinoitwa nevamwe. Hatigoni kusarudzira vamwe zvekuita; uyewo hatikwanisi kuvadzivirira kuti vasapinda mumatambudziko anokonzerwa nezvisarudzo zvakaipa zvavanoita. Semuenzaniso, mwanakomana kana kuti mwanasikana angasarudza kurega kushumira Jehovha. Chisarudzo ichocho chinogona kuita kuti vabereki varwadziwe chaizvo. Asi kana vabereki vakaona sekuti kutadza kusarudza kwakaitwa nemwana wavo imhosva yavo, vanozvitakudza mutoro unorema chaizvo. Jehovha haatarisiri kuti vatakure chinhu chinorema kudaro.—VaR. 14:12.
13. Mubereki angaitei kana mwana wake aita chisarudzo chisina kunaka?
13 Ungabvisa sei chinhu ichocho chinorema? Ziva kuti Jehovha akatipa tese rusununguko rwekusarudza. Anobvumira munhu mumwe nemumwe kuti asarudze zvaanoda. Izvozvo zvinosanganisira kumushumira kana kurega. Jehovha anoziva kuti uri mubereki ane zvaanokanganisawo, asi chaanongoda ndechekuti uite zvese zvaunogona. Mwana wako anozvidavirira ega pazvisarudzo zvake. (Zvir. 20:11) Kunyange zvakadaro, unganetseka nekukanganisa kwawakamboita semubereki. Kana zviri izvo, ita kuti Jehovha azive manzwiro ako uye mukumbire ruregerero. Anoziva kuti haukwanisi kuchinja zvinhu zvakatoitika. Panguva imwe chete haatarisiri kuti uite kuti mwana wako asakohwa zvaakadyara. Yeuka kuti kana mwana wako akaita zvese zvaanogona kuti adzoke kuna Jehovha, iye achamugamuchira nemwoyo wese.—Ruka 15:18-20.
14. Nei kunyanya kuzvipa mhosva chiri chinhu chinorema chatinofanira kubvisa?
14 Kunyanya kuzvipa mhosva. Patinoita chivi, zvinonzwisisika kuti tinonzwa tiine mhosva. Asi Jehovha haadi kuti tinyanye kuzvipa mhosva. Kuzvipa mhosva chinhu chinorema chatinofanira kubvisa. Tinoziva sei kuti tiri kunyanya kuzvipa mhosva? Kana kuri kuti takareurura chivi chedu, takapfidza uye tiri kutora matanho ekuti tisachidzokorora, tinogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha akatikanganwira. (Mab. 3:19) Pashure pekunge tatora matanho iwayo, Jehovha haadi kuti tirambe tichinzwa tiine mhosva. Anoziva kuti kuramba tichinzwa tiine mhosva kunokuvadza chaizvo. (Pis. 31:10) Kana tikakurirwa nekusuruvara, tingatosvika pakurega kumhanya munhangemutange yekuwana upenyu.—2 VaK. 2:7.
Pashure pekunge wapfidza zvechokwadi, Jehovha haarambi achifunga nezvezvivi zvako uye iwewo haufaniri kuramba uchidaro (Ona ndima 15)
15. Chii chingakubatsira kuti usanyanya kunzwa uine mhosva? (1 Johani 3:19, 20) (Onawo mufananidzo.)
15 Ungabvisa sei chinhu ichocho chinorema? Paunenge uchinyanya kunzwa uine mhosva, funga ‘nezvekukanganwira kwechokwadi’ kunoitwa naJehovha. (Pis. 130:4) Paanoregerera vaya vanopfidza zvechokwadi, anovimbisa kuti: “Handichazoyeukizve chivi chavo.” (Jer. 31:34) Izvozvo zvinoreva kuti Jehovha haazorambi achifunga zvivi zvaakakuregerera. Saka usaona sekuti zvinhu zvinokonzerwa nekukanganisa kwako zvinoratidza kuti Jehovha haana kukuregerera. Uye usazvitsamwira iwe pachako kana kuri kuti kukanganisa kwako kwakaita kuti urasikirwe neropafadzo muungano. Jehovha haarambi achifunga nezvechivi chako uye iwe haufaniri kudaro.—Verenga 1 Johani 3:19, 20.
MHANYA ZVINOITA KUTI UWANE MUBAYIRO
16. Sezvo tiri vamhanyi, tinofanira kuzivei?
16 Sezvo tichimhanya nhangemutange yekuwana upenyu, tinofanira ‘kumhanya zvinoita kuti tihuwane.’ (1 VaK. 9:24) Tinoita izvi kana tikaziva musiyano uri pakati pemitoro yatinofanira kutakura uye zvinhu zvinorema zvatinofanira kubvisa. Munyaya ino, takurukura mienzaniso mishoma yezvinhu zvatinofanira kutakura uye zvatinofanira kubvisa. Asi kune zvimwe zvisina kutaurwa. Jesu akataura kuti tinogona kuremerwa “nekudyisa nekunwisa nekuzvidya mwoyo nezvinhu zveupenyu.” (Ruka 21:34) Magwaro aya nemamwewo anogona kukubatsira kuti uone zvaungafanira kugadzirisa kuitira kuti umhanye nhangemutange yekuwana upenyu.
17. Nei tichigona kuva nechokwadi chekuti tichawana mubayiro munhangemutange yekuwana upenyu?
17 Tinogona kuva nechokwadi chekuti tichawana mubayiro munhangemutange yekuwana upenyu nekuti Jehovha achatipa simba ratinoda. (Isa. 40:29-31) Saka ramba uchimhanya! Tevedzera muapostora Pauro uyo akaita zvese zvaanogona kuti awane mubayiro wakaiswa pamberi pake. (VaF. 3:13, 14) Hapana anogona kukumhanyira panhangemutange iyi, asi uchibatsirwa naJehovha unogona kubudirira. Jehovha anogona kukubatsira kuti utakure mitoro yako uye ubvise zvinhu zvinorema zvisingakoshi. (Pis. 68:19) Uchibatsirwa naye, uchakwanisa kumhanya nhangemutange yacho uchitsungirira wowana mubayiro!
RWIYO 65 Fambira Mberi!
a Nyaya ino ichatibatsira kuti timhanye nhangemutange yekuwana upenyu. Sevamhanyi, tine mitoro yatinofanira kutakura. Iyi inosanganisira mhiko yekuzvitsaurira kwedu, zvatinofanira kuita mumhuri, uye kuzvidavirira pazvisarudzo zvedu. Asi tinofanira kubvisa chero chii zvacho chinorema chinogona kutitadzisa kumhanya. Izvozvo zvinosanganisirei? Nyaya ino ichapindura mubvunzo iwoyo.
b Unogona kuwana nyaya idzi pajw.org. Dzimwe nyaya dziripo dzinobatsira murume nemudzimai dzinoti: “Zvaungaita Kuti Uremekedze Mumwe Wako” uye “Tenda Zvinoitwa Nemumwe Wako”; dzinobatsira vabereki dzinoti, “Kudzidzisa Vana Kushandisa Mafoni Zvakanaka,” “Kukurukura Nemwana Wenyu Ari Kuyaruka”; uye inobatsira vari kuyaruka inoti, “Ungaitei Kuti Usafurirwa Neshamwari?”