RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w23 November p. 32
  • Zvaungaita Pakudzidza

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvaungaita Pakudzidza
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Dzidzira Kubata Nemusoro “Nziyo Dzemweya”
  • Rumbidza Jehovha Nekuimba Nziyo
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2018
  • Wagadzirira Here Kuimbira Jehovha Pamisangano Yedu?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
  • Nziyo Itsva Dzekushandisa Pakunamata!
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
  • Nziyo Dzinotiswededza Pedyo naMwari
    Mashandisirwo Ari Kuitwa Mari Yenyu Yezvipo
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
w23 November p. 32

Zvaungaita Pakudzidza

Dzidzira Kubata Nemusoro “Nziyo Dzemweya”

“Pandinenge ndichinzwa ndakaora mwoyo, Jehovha anondikurudzira achishandisa nziyo dziri paJW Broadcasting.”—Lorraine, U.S.A.

“Nziyo dzemweya” dzagara dzichishandiswa pakunamata kwevaKristu. (VaK. 3:16) Kana ukadzidzira kubata nemusoro nziyo idzi, zvinogona kukubatsira paunenge usina bhuku renziyo kana foni. Edza kushandisa mazano anotevera kuti ubate nemusoro nziyo dzacho.

  • Nyatsoverenga mashoko acho kuti unzwisise zvaari kureva. Kana uchinzwisisa zvinorehwa nemashoko, zviri nyore kuayeuka. Mashoko enziyo dzedu dzese kusanganisira enziyo dzinobuda paJW Broadcasting uye enziyo dzevana, anowanika pajw.org. Pachikamu chakanzi Raibhurari, enda pakanzi Mimhanzi.

  • Nyora mashoko acho papepa. Kana ukadaro, unogona kuramba uchiyeuka mashoko acho.—Dheut. 17:18.

  • Dzidzira uchibudisa inzwi. Ramba uchidzokorora kuverenga kana kuimba rwiyo rwacho.

  • Ona kuti wabata kusvika papi. Edza kuyeuka mashoko acho usingaatarisi, uye ona kuti wagona zvakadii.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe