ZVAUNOGONA KUDZIDZA
Vaya Vanoda Kufadza Jehovha Vanoita Zvisarudzo Zvakanaka
Verenga Genesisi 25:29-34 uone kana Isau naJakobho vakaita zvisarudzo zvakanaka.
Dzidza zvakawanda nezvenyaya yacho yese. Zvii zvakanga zvaitika? (Gen. 25:20-28) Zvii zvakazoitika?—Gen. 27:1-46.
Nyatsoongorora nyaya yacho. Mumazuva iwayo dangwe raiva nekodzero dzipi uye raiwanei?—Gen. 18:18, 19; w10 5/1 13.
Murume aifanira kuva dangwe here kuti azova tateguru waMesiya? (w17.12 14-15)
Ona zvidzidzo zvirimo uye zvishandise. Nei Jakobho aikoshesa udangwe kupfuura zvaiitwa naIsau? (VaH. 12:16, 17; w03 10/15 28-29) Jehovha aiona sei Jakobho naIsau, uye nei aivaona saizvozvo? (Mar. 1:2, 3) Zvii zvingadai zvakaitwa naEsau kuti akwanise kuita zvisarudzo zvakanaka?
Zvibvunze kuti, ‘Ndingaratidza sei kuti ndinokoshesa zvinhu zvekunamata pandinosarudza mashandisiro andichaita nguva yangu vhiki rega rega uye pandinoronga nguva yekuita kunamata kwemhuri?’