RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w24 May pp. 14-19
  • Rudo Ngaruite Kuti Urambe Uchiparidza!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rudo Ngaruite Kuti Urambe Uchiparidza!
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • TINOPARIDZA NEKUTI TINODA MASHOKO AKANAKA
  • TINOPARIDZA NEKUTI TINODA VANHU
  • TINOPARIDZA NEKUTI TINODA JEHOVHA UYE ZITA RAKE
  • TICHARAMBA TICHIPARIDZA KUSVIKIRA KUMUGUMO
  • Zvii Zvatinoziva Nezvematongerwo Achaitwa Vanhu naJehovha Mune Ramangwana?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • Zvaungaita Kuti Uwedzere Kufara Muushumiri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • Shingaira Pakuparidza Sezvaiita Jesu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Zvininipise Uchibvuma Kuti Pane Zvimwe Zvinhu Zvausingazivi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
w24 May pp. 14-19

NYAYA YEKUDZIDZA 20

RWIYO 67 “Paridza Shoko”

Rudo Ngaruite Kuti Urambe Uchiparidza!

“Mashoko akanaka anofanira kutanga aparidzwa kumarudzi ese.”—MAKO 13:10.

ZVATICHADZIDZA

Tichadzidza kuti rudo runotibatsira sei kuti tiite basa rekuparidza tichishingaira uye nemweya wese.

1. Takadzidzei pamusangano wepagore wa2023?

PAMUSANGANO wepagore wa2023,a takajekeserwa zvimwe zvinhu zvatinotenda uye takanzwa zviziviso zvinofadza nezveushumiri hwedu. Semuenzaniso, takadzidza kuti vamwe vanhu vangangova nemukana wekubatana nevanhu vaJehovha pashure pekunge Bhabhironi Guru raparadzwa. Takadzidzawo kuti kutanga muna November 2023, vaparidzi veUmambo vanenge vasingachakumbirwi kuti vashume zvese zvavakaita muushumiri. Kuchinja uku kunoita kuti ushumiri hwedu husanyanye kukosha here? Aiwa!

2. Zuva rimwe nerimwe parinopfuura, nei zvichiwedzera kukosha kuti tiparidze? (Mako 13:10)

2 Zuva rimwe nerimwe parinopfuura, zvinowedzera kukosha kuti tiparidze. Nei zvakadaro? Nekuti nguva iri kupera. Funga zvakataurwa naJesu nezvebasa rekuparidza mumazuva ekupedzisira. (Verenga Mako 13:10.) Maererano nezvakanyorwa naMateu, Jesu akataura kuti mashoko akanaka aizoparidzwa munyika yese “mugumo” usati wasvika. (Mat. 24:14) Shoko iroro rinoreva mugumo wenyika yaSatani. Jehovha akasarudza ‘zuva nenguva’ yezvinhu zvava pedyo kuitika. (Mat. 24:36; 25:13; Mab. 1:7) Zuva rimwe nerimwe rinotiswededza pedyo nenguva iyoyo. (VaR. 13:11) Asi iye zvino tinofanira kuramba tichiparidza kusvikira mugumo wauya.

3. Chii chinoita kuti tiparidze?

3 Patinofunga nezveushumiri hwedu, zvakanaka kuzvibvunza mubvunzo uyu unokosha: Nei tichiparidza mashoko akanaka? Rudo ndirwo rwunoita kuti tiparidze. Zvatinoita mubasa rekuparidza zvinoratidza kuda kwatinoita mashoko akanaka, kuda kwatinoita vanhu, uye kupfuura zvese, kuda kwatinoita Jehovha nezita rake. Ngatikurukurei chimwe nechimwe cheizvi.

TINOPARIDZA NEKUTI TINODA MASHOKO AKANAKA

4. Tinoita sei patinonzwa mashoko anofadza?

4 Unoyeuka here manzwiro awakaita pawakanzwa mashoko anofadza akadai sekuzvarwa kwemwana mumhuri kana kuti kuwana basa rinokupa mari yekurarama nayo? Hapana mubvunzo kuti waida chaizvo kuudza hama neshamwari mashoko iwayo anofadza. Zvinhu zvakada kudaro zvakaitikawo here pawakanzwa mashoko anofadza kupfuura mamwe ese, mashoko akanaka eUmambo hwaMwari?

5. Wakanzwa sei pawakatanga kudzidza chokwadi muShoko raMwari? (Onawo mifananidzo.)

5 Funga nezvemanzwiro awakaita pawakatanga kudzidza chokwadi muShoko raMwari. Wakadzidza zvinhu zvakawanda nezvaBaba vako vekudenga zvakadai sekuti vanokuda, vanoda kuti uve mumhuri yevanamati vavo, vakavimbisa kupedza marwadzo nekutambura, uye kuti unogona kuzoona hama neshamwari dzako dzichimutswa munyika itsva. (Mako 10:​29, 30; Joh. 5:​28, 29; VaR. 8:​38, 39; Zvak. 21:​3, 4) Chokwadi ichocho chakaita kuti ufare chaizvo. (Ruka 24:32) Wakada zvawaidzidza, uye waida kuudza munhu wese nezvazvo!—Enzanisa naJeremiya 20:9.

Hama iri kudzidza Bhaibheri nemumwe murume ichishandisa bhuku rinonzi “Rarama Nekusingaperi Uchifara!” Mifananidzo: Murume wacho ari kuudzawo vamwe zvaari kudzidza. 1. Waanoshanda naye. 2. Vemumhuri. 3. Shamwari.

Patakadzidza chokwadi chinobva muBhaibheri, takafara chaizvo uye taida kuchiudzawo munhu wese! (Ona ndima 5)


6. Unodzidzei pane zvakaitika kuna Ernest naRose?

6 Funga zvakaitika kune imwe hama inonzi Ernest.b Paaiva nemakore 10 baba vake vakafa. Anoti: “Ndakazvibvunza kuti: ‘Vaenda kudenga here? Kana kuti havasisipo zvachose here?’ Ndaichiva vamwe vana vaiva navanababa vavo.” Ernest aigara achienda kumakuva, opfugama paguva rababa vake onyengetera kuti: “Mwari, ndinodawo kuziva kuna baba vangu.” Makore anenge 17 pashure pekufirwa nababa vake, Ernest akaudzwa nezveurongwa hwekudzidza Bhaibheri, uye akabva ati aida kudzidza. Akafara chaizvo paakadzidza kuti vakafa havana chavanoziva, vanofananidzwa nemunhu akanyatsobatwa nehope, uye kuti Bhaibheri rinovimbisa kuti pachava nekumuka kwevakafa. (Mup. 9:​5, 10; Mab. 24:15) Akazowanawo mhinduro dzemibvunzo yainge yamunetsa kwemakore akawanda! Chokwadi cheBhaibheri chaaidzidza chaiita kuti afare chaizvo. Mudzimai wake Rose, akatanga kudzidza uye akadawo zvaaidzidza. Muna 1978 vakabhabhatidzwa. Vakashingaira kuparidzira hama neshamwari dzavo nevamwewo vanhu vaida kudzidza chokwadi. Izvi zvakaita kuti Ernest naRose vabatsire vanhu vanopfuura 70 kuti vazive Jehovha uye vabhabhatidzwe.

7. Chii chinoitika chokwadi cheBhaibheri pachinodzika midzi mumwoyo medu? (Ruka 6:45)

7 Zviri pachena kuti kana kuda kwatinoita chokwadi cheBhaibheri kukadzika midzi mumwoyo medu, hatigoni kuramba takanyarara. (Verenga Ruka 6:45.) Tinonzwa sezvaiita vadzidzi vaJesu avo vakati: “Hatingaregi kutaura pamusoro pezvinhu zvatakaona nezvatakanzwa.” (Mab. 4:20) Tinoda chaizvo chokwadi zvekuti tinoita zvese zvatinogona kuti tichiudze vanhu vakawanda.

TINOPARIDZA NEKUTI TINODA VANHU

8. Chii chinoita kuti tiudze vamwe mashoko akanaka? (Ona bhokisi rakanzi “Iva Nerudo Nevanhu—Vabatsire Kuti Vave Vadzidzi.”) (Onawo mufananidzo.)

8 Tinoda vanhu sezvinoita Jehovha neMwanakomana wake. (Zvir. 8:31; Joh. 3:16) Tinonzwira tsitsi zvikuru vaya ‘vasina Mwari’ uye ‘vasina tariro.’ (VaEf. 2:12) Nemhaka yematambudziko avo, vanganzwa sekuti vari mugomba rakadzika, asi tine tambo inogona kuvabudisa. Tambo yacho ndiwo mashoko akanaka eUmambo hwaMwari. Kuda kwatinoita vanhu uye kuvanzwira tsitsi kunoita kuti tiite zvese zvatinogona kuti tivaudze mashoko akanaka. Mashoko iwayo anoita kuti vave netariro, anovabatsira kuti vafare kunyange iye zvino, uye anovapa mukana wekuti vazova ‘neupenyu chaihwo’ kureva upenyu husingaperi munyika itsva yaMwari.—1 Tim. 6:19.

Hanzvadzi iri kuparidzira mumwe mukadzi paresitorendi ichishandisa turakiti.

Kuda kwatinoita vanhu uye kuvanzwira tsitsi kwatinoita kunoita kuti tiite zvese zvatinogona kuti tivaudze mashoko akanaka (Ona ndima 8)


Iva Nerudo Nevanhu—Vabatsire Kuti Vave Vadzidzi

Kabhuku katsva aka kane zvinhu 12 zvatinofanira kuva nazvo kuitira kuti tiratidze rudo muushumiri uye patinenge tichibatsira vanhu kuti vave vadzidzi. Chidzidzo chimwe nechimwe chekabhuku aka chinotibatsira kuti tifunge zviri kunetsa vanhu uye zvavanofarira, pane kuti tingoisa pfungwa pane zvatiri kuda kutaura. Zvibvunze kuti: ‘Chii chiri mupfungwa dzavo? Zvii zvavanoda?’ Sezviri mumashoko ekusuma, “rudo, ndirwo ruchakubatsira kuzadzisa chinangwa chako chekuita kuti vanhu vave vadzidzi, kupfuura unyanzvi hupi zvahwo hwaungava nahwo.”

9. Iyambiro ipi yatinopa nezveramangwana, uye nei tichidaro? (Ezekieri 33:​7, 8)

9 Kuda kwatinoita vanhu kunoitawo kuti tivayambire nezvekuguma kwenyika ino uko kwaswedera pedyo (Verenga Ezekieri 33:​7, 8.) Tinonzwira tsitsi vavakidzani vedu uyewo hama dzedu dzisingatendi. Vakawanda vanorarama upenyu hwavo vasingazivi zviri kuuya, kureva “kutambudzika kukuru kusati kwamboitika kubvira pakutanga kwenyika kusvikira zvino, uye kusingazomboitikizve.” (Mat. 24:21) Tinoda kuti vazive zvichaitika panguva iyoyo yekutongwa pachabviswa zvitendero zvenhema uye pachaparadzwa nyika yese yaSatani paAmagedhoni. (Zvak. 16:​14, 16; 17:​16, 17; 19:​11, 19, 20) Tinonyengetera kuti vanhu vakawanda chaizvo vateerere yambiro yacho vobatana nesu pakunamata kwakachena iye zvino. Zvakadii nevaya vasingateereri yambiro yacho panguva ino, kusanganisira veukama?

10. Nei zvichikosha kuti tirambe tichiyambira vanhu?

10 Sezvakatsanangurwa munyaya yakapfuura, pachaparadzwa Bhabhironi Guru vamwe vanhu vanogona kuchinja mwoyo yavo uye kunogona kunge kuri kuda kwaJehovha kuti avaponese. Kana zvakadaro, zvinokosha chaizvo kuti tirambe tichiyambira vanhu. Funga izvi: Zvatinovaudza iye zvino zvinogona kuita kuti vave nechimwe chinhu chekuzoyeuka panguva iyoyo. (Enzanisa naEzekieri 33:33.) Zvimwe vachafunga nezveyambiro yavakanzwa kwatiri uye izvozvo zvichaita kuti vade kubatana nesu pakunamata kwakachena nguva isati yanyanya kupera. Kufanana nemurindi wejeri wekuFiripi uyo akachinja mwoyo wake pashure pekunge “kudengenyeka kwenyika kukuru kwaitika,” vamwe vasiri kuchinja iye zvino vanogona kuzochinja mwoyo yavo pashure pekunge Bhabhironi Guru rangoerekana raparadzwa.—Mab. 16:​25-34.

TINOPARIDZA NEKUTI TINODA JEHOVHA UYE ZITA RAKE

11. Tinopa sei Jehovha kukudzwa, nekuremekedzwa nesimba? (Zvakazarurwa 4:11) (Onawo mifananidzo.)

11 Chikonzero chinonyanya kukosha chinoita kuti tiparidze mashoko akanaka ndechekuti tinoda Jehovha Mwari uye zita rake dzvene. Tinoona ushumiri hwedu senzira yekurumbidza Mwari watinoda. (Verenga Zvakazarurwa 4:11.) Tinobvumirana nemwoyo wese kuti Jehovha Mwari akakodzera kugamuchira kukudzwa, nekuremekedzwa, nesimba kubva kuvanamati vake vakavimbika. Tinomupa kukudzwa nekuremekedzwa patinoudza vamwe uchapupu husingarambiki hwekuti ndiye ‘akasika zvinhu zvese’ uye kuti tiri vapenyu nekuti akatipa upenyu. Tinomupa simba redu patinoshandisa nguva yedu, uye zvinhu zvedu, kuitira kuti tiite zvese zvatinogona kuti tiparidze. (Mat. 6:33; Ruka 13:24; VaK. 3:23) Tinoda kutaura nezvaMwari wedu watinoda. Tinonzwawo tichida kuudza vamwe nezvezita rake uye kuti ndiMwari akaita sei. Nei tichidaro?

Mifananidzo: Nzira dzekuparidza nadzo mashoko akanaka. 1. MuAfrica, murume nemudzimai vari kuparidzira mumwe mukadzi nevana vake pamba. 2. Hanzvadzi iri kuparidzira mumwe mukadzi vakamirira bhazi. 3. Hama iri pazororo ichiparidzira mumwe murume ari padivi payo vari pamahombekombe egungwa.

Tinopa Jehovha simba patinoshandisa nguva yedu, simba redu, uye zvinhu zvedu kuti tiite zvese zvatinogona muushumiri zvichienderana nemamiriro edu ezvinhu (Ona ndima 11)


12. Tinotsvenesa sei zita raJehovha muushumiri hwedu?

12 Kuda kwatinoita Jehovha kunoita kuti titsvenese zita rake. (Mat. 6:9) Tinoda kuita zvatinogona kuti tichenese zita rake pakusvibiswa kwarakaitwa nenhema dzakataurwa naSatani. (Gen. 3:​1-5; Job. 2:4; Joh. 8:44) Muushumiri hwedu, tinoda chaizvo kuudza vanhu nezvaMwari tichitaura chokwadi nezvake kuvanhu vese vachatiteerera. Tinoda kuti munhu wese azive kuti rudo ndihwo unhu hukuru kupfuura humwe hwese huri pana Jehovha, kuti matongero ake akarurama, uye kuti munguva pfupi iri kuuya, Umambo hwake huchapedza kutambura kwese hwoita kuti vanhu vave nerugare nemufaro. (Pis. 37:​10, 11, 29; 1 Joh. 4:8) Patinoudza vanhu zvinhu izvi nezvaJehovha, tinotsvenesa zita rake. Tinogutsikanawo patinoziva kuti tiri kurarama zvinoenderana nezita redu. Nei tichitaura izvozvo?

13. Nei tichidada nekudanwa kuti Zvapupu zvaJehovha? (Isaya 43:​10-12)

13 Jehovha akatisarudza kuti tive “zvapupu” zvake. (Verenga Isaya 43:​10-12.) Makore adarika, imwe tsamba yakabva kuDare Rinotungamirira yakati: “Kudanwa semumwe weZvapupu zvaJehovha ndiko kukudzwa kunopfuura kumwe kwese kwatingaitwa.”c Nei zvakadaro? Funga nezvemuenzaniso uyu. Kana uchida kuti mumwe munhu ave chapupu chako mudare, unosarudza munhu waunoziva uye waunovimba naye, munhu ane mukurumbira unoita kuti vanhu vabvume zvaanotaura. Jehovha paakatisarudza kuti tive Zvapupu zvake, akaratidza kuti anonyatsotiziva uye anovimba kuti tichaudza vamwe kuti iye ndiye chete Mwari wechokwadi. Tinonzwa kuri kukudzwa chaiko kuva Zvapupu zvake zvekuti tinoshandisa mukana wese kuti tiite kuti zita rake rizivikanwe uye tiratidze vanhu kuti zvakataurwa naSatani nezvake inhema. Patinoita izvozvo, tinenge tichirarama zvinoenderana nezita ratinodada naro, rekuti Zvapupu zvaJehovha!—Pis. 83:18; VaR. 10:​13-15.

TICHARAMBA TICHIPARIDZA KUSVIKIRA KUMUGUMO

14. Zvinhu zvipi zvinofadza zvingangoitika munguva pfupi iri kuuya?

14 Tinofara patinofunga nezvezvinhu zvingangoitika munguva pfupi iri kuuya! Nechikomborero chaJehovha, tinotarisira kuona vanhu vakawanda vachibatana nesu pakunamata kutambudzika kukuru kusati kwatanga. Uye tinofara chaizvo kuti kunyange pakutambudzika kukuru, nguva yakanyanya kuoma munhoroondo yevanhu, vamwe vanhu vangangobuda munyika yaSatani vobatana nesu pakurumbidza Jehovha!—Mab. 13:48.

15-16. Chii chaticharamba tichiita, uye tichadaro kusvikira riini?

15 Panguva ino, tine basa rekuita. Tine ropafadzo yekuitawo basa risingazodzokororwi rekuparidza mashoko akanaka eUmambo hwaMwari pasi rese. Panguva imwe chete tinofanira kuramba tichiyambira vanhu. Vanhu vanofanira kuziva kuti kuguma kwenyika ino yakaipa kuri kuswedera pedyo nekukurumidza. Panozosvika nguva yekutongwa, vachazoziva kuti mashoko ataiparidza aibva kuna Jehovha Mwari.—Ezek. 38:23.

16 Saka chii chatinoda kuita? Zvichibva pakuda kwatinoita mashoko akanaka, kuda vanhu, uye kupfuura zvese, kuda Jehovha nezita rake, ticharamba tichiparidza nechido uye tichishingaira, kusvikira Jehovha ati, “Zvakwana!”

ZVINHU ZVINOTEVERA ZVINOTIKURUDZIRA SEI KUTI TIPARIDZE?

  • Kuda mashoko akanaka

  • Kuda vanhu

  • Kuda Jehovha nezita rake

RWIYO 54 “Iyi Ndiyo Nzira”

a Musangano wepagore wakaitwa musi wa7 October, 2023, muNewburgh Assembly Hall of Jehovah’s Witnesses kuNew York, U.S.A. Purogiramu yacho yese yakazobudiswa paJW Broadcasting—Chikamu 1 muna November 2023 uye Chikamu 2 muna January 2024.

b Ona nyaya inoti “Bhaibheri Rinochinja Upenyu—Ndakafarira Chaizvo Mhinduro Dzakajeka, Uye Dzine Musoro dzeBhaibheri” iri muNharireyomurindi yaFebruary 1, 2015.

c Ona 2007 Year Book of Jehovah’s Witnesses, peji 3.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe