RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w24 September p. 32
  • Tsvaga Zvinhu Zvitsva Paunenge Uchidzidza

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tsvaga Zvinhu Zvitsva Paunenge Uchidzidza
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • Mashoko Akafanana
  • Jehovha Anochengeta Vanhu Vake
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2017)
  • Nyatsobatsirwa Nezvatinopiwa naJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • Kudzidza Kune Mubayiro
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Tevedzera Zvaifanira Kuita Mambo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
w24 September p. 32

ZVAUNGAITA PAKUDZIDZA

Tsvaga Zvinhu Zvitsva Paunenge Uchidzidza

Patinenge tava kuda kudzidza, tinogona kuzvibvunza kuti, ‘Zvii zvandiri kutarisira kuzowana kubva pane zvandiri kuda kudzidza?’ Asi tinofanira kuyeuka kuti kunyange zvazvo tiine zvatinenge tichitarisira kudzidza, hazvirevi kuti hapana zvimwe zvinhu zvitsva zvatinogona kudzidziswa naJehovha. Tingaitei kuti tione zvatiri kuda kudzidziswa naJehovha?

Nyengetera kuti upiwe uchenjeri. Kumbira Jehovha kuti akubatsire kunzwisisa kuti ndezvipi zvaari kuda kuti udzidze iye zvino. (Jak. 1:5) Usangogutsikana nezvawagara uchiziva.—Zvir. 3:​5, 6.

Ita kuti Bhaibheri rishande muupenyu hwako. “Shoko raMwari ibenyu.” (VaH. 4:12) Saka pese patinoverenga Bhaibheri tinogona kudzidza chimwe chinhu chitsva chinotibatsira muupenyu. Asi kuti zvidaro, tinofanira kubvuma kuti pane zvimwe zvinhu zvatisingazivi zvatinogona kudzidza muShoko raMwari.

Tenda zvese zvatinopiwa naJehovha kuti atidzidzise. Zvekudya zvekunamata zvaanotipa zvakafanana ‘nemabiko emachikichori ezvekudya.’ (Isa. 25:6) Usarega kudzidza nyaya dzaunonzwa sekuti hadzinakidzi. Kana ukadzidza zvese zvatinopiwa naJehovha, uchava munhu akanaka uye uchapedzisira wava kunakidzwa nekudzidza!

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe