RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp25 nha. 1 pp. 4-5
  • Hondo Uye Kurwisana Zvinotikanganisa Sei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Hondo Uye Kurwisana Zvinotikanganisa Sei?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2025
  • Mashoko Akafanana
  • Kurwisana Kuchapera Riini? Bhaibheri Rinoti Kudii?
    Dzimwe Nyaya
  • Kunze Kwemari Yakawanda Yakashandiswa, Ndeapi Mamwe Matambudziko Akonzerwa Nehondo?
    Dzimwe Nyaya
  • Hondo Uye Kurwisana Zvichapera Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2025
  • Hondo
    Mukai!—2017
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2025
wp25 nha. 1 pp. 4-5
Mapikicha: 1. Musoja ari kufamba munzvimbo iri kurwiwa hondo kumashure kwake kuine chimota chehondo. 2. Varume, vakadzi, nevana vemunyika dzakasiyana-siyana vari kutambura nehondo.

Hondo Uye Kurwisana Zvinotikanganisa Sei?

“Pasi rese kurwisana kwawedzera zvakanyanya kubvira pakarwiwa Hondo Yenyika Yechipiri uye pavanhu vari panyika vanopfuura 8 bhiriyoni, 2 bhiriyoni vavo vanogara munyika dzine kurwisana.”

United Nations Deputy Secretary-General Amina J. Mohammed, 26 January 2023.

Hondo uye kurwisana zvinogona kungoerekana zvaitika munzvimbo dzine runyararo. Kunyange vanhu vanogara munyika dziri kure nenyika inenge ichirwiwa vanogona kutamburawo nekuti zvinoitika mune imwe nyika zvinogona kuvhiringidza zvakawanda mune imwe nyika. Uye kana hondo yapera, matambudziko anenge akonzerwa nehondo anogona kuramba aripo. Funga mienzaniso inotevera:

  • Kapikicha kemaoko maviri akabata ndiro isina chinhu.

    Kushayikwa kwezvekudya. Sangano rinonzi World Food Programme rakataura kuti “hondo ndiyo inonyanyokonzera nzara. Vanhu vakawanda vanogara munyika dzine hondo havana zvekudya zvakakwana.”

  • Kapikicha kemukadzi akasuruvara akavhara kumeso kwake nemaoko.

    Kukuvadzwa muhondo uye zvirwere zvepfungwa. Kana zvichiita sekuti munyika muchaitika hondo, vanhu vanogona kushungurudzika zvakanyanya. Vanhu vanogara munzvimbo dzinenge dziine hondo vanogona kuremadzwa uye kupedzisira vava nezvirwere zvepfungwa. Uye kakawanda kacho vanenge vasingakwanise kuwana mishonga.

  • Kapikicha nemhuri yakatakura mabhegi mahombe akazara zvinhu.

    Kutiza misha yavo. Maererano nesangano reUnited Nations High Commissioner for Refugees, pakasvika September 2023, vanhu vanopfuura 114 miriyoni pasi rese vakanga vasiya misha yavo. Chikonzero chikuru chiri kuita kuti zvidaro ihondo.

  • Kapikicha kemhuri yakamira panze pekaimba kavo kadiki.

    Kuderera kweupfumi munyika. Hondo inowanzokonzera matambudziko eupfumi akadai sekudhura kwezvinhu. Vanhu vanotambura kana hurumende ikaita kuti mari yaifanira kushandiswa muzvipatara uye muzvikoro ishandiswe muhondo. Uye mari inoshandiswa pakuvaka zvinhu zvinenge zvaparadzwa muhondo yakawanda chaizvo.

  • Kapikicha keoiri iri kurasika ichibva mupaipi.

    Kusvibiswa kwenharaunda. Vanhu vanotambura kana zvinhu zvinodiwa kuti vararame zvikaparadzwa. Kusvibiswa kwemvura, mhepo, uye kukanganiswa kwevhu kunogona kukonzera matambudziko eutano, anogara kwenguva refu uye vanhu vanogona kukuvadzwa kana kuurayiwa nezvimbambaira zvinenge zvasara zvakachererwa pasi hondo painopera.

Zviri pachena kuti hondo inoparadza uye inokanganisa zvakawanda.

Uprofita Huri muBhaibheri Hunotaura Nezvehondo

Uprofita huri muBhaibheri hunoratidza kuti hondo uye kurwisana zvaizova chimwe chezvinhu zvinoratidza kuti “nyika yava kumagumo kwayo.” (Mateu 24:3) Jesu Kristu akati:

  • “Muchanzwa nezvehondo nemashoko pamusoro pehondo. . . . Nekuti rudzi ruchamukira rudzi uye umambo huchamukira umambo.”—Mateu 24:​6, 7.

  • “Pamunonzwa nezvehondo nemhirizhonga, musatya.”—Ruka 21:9.

    Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “mhirizhonga” rinogona kureva zvinhu zvakadai sekuratidzira, uye kurwisana kunoita vanhu vachiita zvematongerwo enyika uye vachida kubvisa hurumende inenge ichitonga.

Kuti udzidze zvakawanda, verenga nyaya yakanzi “Chiratidzo ‘Chemazuva Ekupedzisira,’ Kana Kuti ‘Nguva Yekupedzisira’ Ndechipi?” iri pawebsite yedu inonzi jw.org.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe