Hondo Uye Kurwisana Zvinotikanganisa Sei?
“Pasi rese kurwisana kwawedzera zvakanyanya kubvira pakarwiwa Hondo Yenyika Yechipiri uye pavanhu vari panyika vanopfuura 8 bhiriyoni, 2 bhiriyoni vavo vanogara munyika dzine kurwisana.”
United Nations Deputy Secretary-General Amina J. Mohammed, 26 January 2023.
Hondo uye kurwisana zvinogona kungoerekana zvaitika munzvimbo dzine runyararo. Kunyange vanhu vanogara munyika dziri kure nenyika inenge ichirwiwa vanogona kutamburawo nekuti zvinoitika mune imwe nyika zvinogona kuvhiringidza zvakawanda mune imwe nyika. Uye kana hondo yapera, matambudziko anenge akonzerwa nehondo anogona kuramba aripo. Funga mienzaniso inotevera:
Kushayikwa kwezvekudya. Sangano rinonzi World Food Programme rakataura kuti “hondo ndiyo inonyanyokonzera nzara. Vanhu vakawanda vanogara munyika dzine hondo havana zvekudya zvakakwana.”
Kukuvadzwa muhondo uye zvirwere zvepfungwa. Kana zvichiita sekuti munyika muchaitika hondo, vanhu vanogona kushungurudzika zvakanyanya. Vanhu vanogara munzvimbo dzinenge dziine hondo vanogona kuremadzwa uye kupedzisira vava nezvirwere zvepfungwa. Uye kakawanda kacho vanenge vasingakwanise kuwana mishonga.
Kutiza misha yavo. Maererano nesangano reUnited Nations High Commissioner for Refugees, pakasvika September 2023, vanhu vanopfuura 114 miriyoni pasi rese vakanga vasiya misha yavo. Chikonzero chikuru chiri kuita kuti zvidaro ihondo.
Kuderera kweupfumi munyika. Hondo inowanzokonzera matambudziko eupfumi akadai sekudhura kwezvinhu. Vanhu vanotambura kana hurumende ikaita kuti mari yaifanira kushandiswa muzvipatara uye muzvikoro ishandiswe muhondo. Uye mari inoshandiswa pakuvaka zvinhu zvinenge zvaparadzwa muhondo yakawanda chaizvo.
Kusvibiswa kwenharaunda. Vanhu vanotambura kana zvinhu zvinodiwa kuti vararame zvikaparadzwa. Kusvibiswa kwemvura, mhepo, uye kukanganiswa kwevhu kunogona kukonzera matambudziko eutano, anogara kwenguva refu uye vanhu vanogona kukuvadzwa kana kuurayiwa nezvimbambaira zvinenge zvasara zvakachererwa pasi hondo painopera.
Zviri pachena kuti hondo inoparadza uye inokanganisa zvakawanda.